1

1 Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.

2 Nyika yakanga isina ku­gadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura.

3 Mwari akati: Chie­dza ngachivepo, chiedza chikavapo.

4 Mwari akaona chiedza, kuti chaka­naka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.

5 Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, nama­ngwanani akavapo, zuva rimwe.

6 Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura.

7 Mwari akaita nzvimbo, akapa­radzanisa mvura yakanga iri pasi penzvi­mbo, nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo; zvikaita saizvozvo.

8 Mwari akatumidza nzvimbo, akati Denga. Ma­deko akavapo, namangwanani akavapo, zuva repiri.

9 Mwari akati: Mvura iri pasi pede­nga ngaiungane pamwechete, kuti pasi pakaoma paonekwe; zvikaita saizvozvo.

10 Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumi­dza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti zvakanaka.

11 Mwari akati: Nyika ngai­merese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo.

12 Nyika ika­meresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zva­kanaka.

13 Madeko akavapo namangwa­nani akavapo zuva retatu.

14 Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore;

15 nga­zvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvo­zvo.

16 Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo.

17 Mwari aka­zviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika,

18 zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chie­dza nerima; Mwari akaona kuti zvaka­naka.

19 Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.

20 Mwari akati: Mvura ngaizare ne­zvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhuru­ruke pamusoro penyika munzvimbo ye­denga.

21 Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinoka­mbaira, izvo mvura yakanga izere na­zvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka.

22 Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwa­nde, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika.

23 Ma­deko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu.

24 Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvi­pfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dze­nyika, zvina marudzi azvo; zvikaita sai­zvozvo.

25 Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinoka­mbaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka.

26 Mwari akati: Ngatiite munhu no­mufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegu­ngwa, napamusoro peshiri dzedenga, na­pamusoro pezvipfuwo, napamusoro pe­nyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.

27 Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.

28 Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamu­soro peshiri dzedenga, napamusoro pe­zvipenyu zvose zvinokambaira panyika.

29 Mwari akati: Tarirai, ndakakupai mi­riwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu.

30 Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvino­kambaira panyika, zvinemweya woupe­nyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo.

31 Mwari akaona zvose zvaa­kaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.

2

1 Denga nenyika zvikapera saizvo­zvo, nouzhinji hwazvo.

2 Mwari aka­pedza basa rake raakaita nomusi wechi­nomwe; akazorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raakaita.

3 Mwari akaro­pafadza musi wechinomwe, akauita mu­tsvene; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita iye Mwari.

4 Ndiko kuvamba kwedenga nenyika, musi wazvakasikwa: Nezuva iroro Jeho­vha Mwari raakasika naro nyika nedenga,

5 makwenzi esango akanga achigere ku­vapo panyika, nemiriwo yesango yaka­nga ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura pa­nyika, uye kwakanga kusina munhu ku­zorima pasi;

6 asi mhute yaisikwira ichi­bva panyika ichinyorevesa nyika yose.

7 Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.

8 Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo mu­nhu waakanga aumba.

9 Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zva­kanaka nezvakaipa.

10 MuEdheni muka­buda rwizi kuzodiridza munda uyo, ruka­paradzana ipapo, dzikaita hova ina.

11 Zita rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo runo­poteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo;

12 ndarama yenyika iyoyo yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe reonikisi.

13 Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi.

14 Zita rorwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabva­zuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYu­furatesi.

15 Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti au­rime nokuuchengeta.

16 Jehovha Mwari akaraira munhu achiti, "Ungadya hako miti yose yomunda,

17 asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwa­zvo."

18 Jehovha Mwari akatizve, "Ha­zvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri akamukwanira."

19 Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti acha­dzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo.

20 Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita, neshiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kwakashai­kwa mubatsiri akamukwanira iye munhu.

21 Ipapo Jehovha Mwari akavatisa munhu hope huru, akavata; akatora ru­mbabvu rwake rumwe, akadzivira nyama panzvimbo yarwo.

22 Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumu­nhu.

23 Munhu akati, "Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama ya­ngu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wa­kabviswa paMurume."

24 Naizvozvo munhu anofanira ku­siya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.

25 Vose vari vaviri vakanga vasina kusi­mira, munhu nomukadzi wake, asi ha­vana kunyara.

3

1 Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, "Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, `Regai kudya miti yose yomunda?' "

2 Mukadzi akati kunyoka, "Tingadya hedu michero yemiti pamunda,

3 asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, `Regai kuudya, kana kuu­bata, kuti murege kufa.' "

4 Nyoka ikati kumukadzi, "Hamu­ngafi zviro kwazvo,

5 nokuti Mwari ano­ziva kuti nomusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezva­kaipa."

6 Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofa­dza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.

7 Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti ha­vana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguvo.

8 Vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumu­nda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pa­mberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda.

9 Jehovha Mwari akadana mu­nhu, akati kwaari, "Uripiko?"

10 Iye akati, "Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda."

11 Iye akati, "Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuu­dya?"

12 Munhu akati, "Mukadzi wamaka­ndipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya."

13 Jehovha Mwari akati kumukadzi, "Chiiko icho chawakaita?" Mukadzi akati, "Nyoka yakandinyengera, ndika­dya."

14 Jehovha Mwari akati kunyoka, "Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedu­mbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.

15 Ndichaisa ruvengo pa­kati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwa­nya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo."

16 Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mi­mba kwako, uchabereka vana uchirwa­dziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako."

17 Kumunhu akati, "Zvawakateerera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wa­ndakakuraira ndichiti, `Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika ma­zuva ose oupenyu hwako;

18 ichakubere­kera minzwa norukato, iwe uchadya mi­riwo yomusango;

19 uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.' "

20 Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose.

21 Jehovha Mwari akai­tira munhu nomukadzi wake nguvo dza­matehwe, akavafukidza nadzo.

22 Zvino Jehovha Mwari akati, "Ta­rirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvi­mwe angatambanudza ruoko rwake aka­torawo zvomuti woupenyu, akadya, aka­rarama nokusingaperi."

23 Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.

24 Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabva­zuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.

4

1 Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, "Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha."

2 Akazopo­nazve munun’una wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu.

3 Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha.

4 NaAbherowo akauya nama­kwayana ake ematangwe akakorawo. Je­hovha ndokugamuchira Abhero nechipi­riso chake;

5 asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Ipapo Kaini aka­tsamwa kwazvo, chiso chake chikau­nyana.

6 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, "Watsamwireiko? Chiso chako chakau­nyana nei?

7 Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwa­ndira pamusuo; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda."

8 Zvino Kaini wakataurirana nomunu­n’una wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero munun’una wake, akamuuraya.

9 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, "Arikupiko Abhero, munun’una wako?" Iye akati, "Handizivi, ndini mufudzi womunun’una wangu here?"

10 Akati, "Waiteiko? Inzwi reropa ro­munun’una wako rinodaidzira kwandiri pa­nyika.

11 Zvino watukwa, wadzingwa pa­nyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa romunun’una wako pa­ruoko rwako;

12 kana uchirima ivhu, ha­ringakupi simba raro; uchava mutizi nomudzungairi panyika."

13 Ipapo Kaini akati kuna Jehovha, "Kurohwa kwangu kukuru, handingaku­takuri.

14 Tarirai, mandidzinga nhasi pa­nyika ino, ndichavanda pamberi penyu; ndichava mutizi nomudzungairi panyika; ani naani anondiwana achandiuraya."

15 Jehovha akati kwaari, "Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe." Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya.

16 Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehovha, akandogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.

17 Kaini akaziva mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akavaka guta, akatumidza guta zita romwanako­mana wake Enoki.

18 Enoki akabereke­rwa Iradhi; Iradhi akabereka Mehujaeri; Mehujaeri akabereka Metushaeri; Metu­shaeri akabereka Rameki;

19 Rameki akawana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira.

20 Adha akapona Jabhari; iye waiva baba vavanhu vanogara mumatende vane zvi­pfuwo.

21 Zita romunun’una wake raiva Jubhari; iye waiva baba vavose vanori­dza mbira nenyere.

22 Zira wakapona Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira nedare; hanzvadzi yaTubha­rikaini waiva Naama.

23 Rameki akati kuvakadzi vake; "Adha naZira, inzwai inzwi rangu, imwi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;

24 Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe."

25 Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamu­tumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, "Mwari wandipa mumwe mwana pachi­garo chaAbhero, zvaakaurawa naKaini."

26 NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Ne­nguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.

5

1 Ndirori bhuku ramarudzi aAdhamu. Musi waakasika munhu, Mwari wakamuita nomufananidzo waMwari;

2 wakavasika murume nomuka­dzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa.

3 Adhamu wakagara makore ane zana namakumi matatu, akabereka mwanako­mana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti.

4 Mazuva aAdhamu shure kwokuberekwa kwaSeti akanga ari makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana.

5 Mazuva ose oupenyu hwaAdhamu aka­nga ari makore ana mazana mapfumba­mwe namakumi matatu, akafa.

6 Seti wakagara makore ane zana namashanu, akabereka Enoshi;

7 Seti aka­gara makore ana mazana masere nama­nomwe shure kwokuberekwa kwaEnoshi, akabereka vanakomana navanasikana;

8 mazuva ose aSeti akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi nama­viri, akafa.

9 Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani;

10 shure kwokuberekwa kwaKenani Eno­shi akagara makore ana mazana masere negumi namashanu; akabereka vanako­mana navanasikana;

11 mazuva ose aEno­shi akanga ari makore ana mazana ma­pfumbamwe namashanu, akafa.

12 Kenani wakagara makore makumi manomwe, akabereka Maharareri;

13 shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka va­nakomana navanasikana.

14 Mazuva ose aKenani akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi, akafa.

15 Maharareri wakagara makore ma­kumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi;

16 shure kwokuberekwa kwaJare­dhi, Maharareri akagara makore ana mazana masere namakumi matatu, akabe­reka vanakomana navanasikana;

17 ma­zuva ose aMaharareri akanga ari makore ana mazana masere namakumi mapfu­mbamwe namashanu, akafa.

18 Jaredhi wakagara makore ane zana namakumi matanhatu namaviri, akabe­reka Enoki;

19 shure kwokuberekwa kwaEnoki Jaredhi akagara makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana;

20 mazuva ose aJaredhi akanga ari makore ana mazana mapfu­mbamwe namakumi matanhatu namaviri, akafa.

21 Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metu­sera;

22 shure kwokuberekwa kwaMetusera, Enoki wakafamba naMwari makore ana mazana matatu; akabereka vanakomana navanasikana.

23 Mazuva ose aEnoki aka­nga ari makore ana mazana matatu nama­kumi matanhatu namashanu.

24 Enoki aka­famba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora.

25 Metusera wakagara makore ane zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki;

26 shure kwokubere­kwa kwaRameki, Metusera akagara ma­kore ana mazana manomwe namakumi masere namaviri; akabereka vanakomana navanasikana.

27 Mazuva ose aMetusera akanga ari makore ana mazana mapfu­mbamwe namakumi matanhatu namapfu­mbamwe, akafa.

28 Rameki wakagara makore ane zana namakumi masere namaviri; akabe­reka mwanakomana;

29 akamutumidza zita rinonzi Noa, achiti, "Uyu achativa­raidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yaka­tukwa naJehovha."

30 Shure kwokubere­kwa kwaNoa, Rameki akagara makore ana mazana mashanu namakumi mapfu­mbamwe namashanu; akabereka vanako­mana navanasikana.

31 Mazuva ose aRa­meki akanga ari makore ana mazana manomwe namakumi manomwe nama­nomwe, akafa.

32 Noa wakanga ana makore ana mazana mashanu; Noa akabereka Shemu, naHamu, naJafeti.

6

1 Zvino vanhu vakati votanga kuwa­nda panyika, vachiberekerwa vanasi­kana,

2 vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vaka­zvisarudzira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo.

3 Ipapo Jehovha akati, "Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenya­mawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi ma­viri."

4 Panguva iyo kwakanga kuna va­nhu varefu kwazvo panyika, napashu­rewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakuru­mbira.

5 Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwe­moyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.

6 Jehovha akazvidemba pa­musoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamoyo pake.

7 Jeho­vha akati, "Ndichaparadza vanhu vanda­kasika ndivabvise panyika vanhu, ne­mhuka, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita."

8 Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha.

9 Marudzi aNoa ndiwo: Noa waka­nga ari munhu wakarurama, asina mho­sva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari.

10 Noa akabereka vanakomana vatatu, vaiti: Shemu, naHamu, naJafeti.

11 Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumani­kidzana.

12 Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika.

13 Ipapo Mwari wakati kuna Noa, "Kupera kwavanhu vose kwasvika pa­mberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana; tarira, ndichavauraya pamwechete nenyika.

14 Uzviitire areka nomuti wemugoferi; uite makamuri mua­reka, uinamire nechomukati nechoku­nze nenamo.

15 Unofanira kuiita kudai: Kureba kweareka ngakuve makubhiti ana mazana matatu, nokufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nokukwi­rira kwayo makubhiti makumi matatu.

16 Usiye buri paareka; uripedze kana kwasara kubhiti rimwe kubva kumusoro; nomusuo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mupanda woku­tanga, nowechipiri, nowechitatu.

17 Ta­rira, ini ndinouyisa panyika mvura zhi­nji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvinomweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa.

18 Asi ndichaita sungano yangu newe; unofa­nira kupinda muareka, iwe navanako­mana vako, nomukadzi wako, navaka­dzi vavanakomana vako pamwechete newe.

19 Napazvipenyu zvose zvenyama uise muareka zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; ngazvive mukono nehadzi.

20 Shiri na­marudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira pasi zvose na­marudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarami­swe.

21 Iwe utore marudzi ose ezvoku­dya zvose zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive zvokudya zvako nezvazvo."

22 Noa akaita saizvozvo; se­zvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.

7

1 Zvino Jehovha wakati kuna Noa, "Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuona iwe kuti wakaru­rama pamberi pangu parudzi urwu.

2 Pa­mhuka dzose dzakanaka utore nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; napa­mhuka dzose dzisina kunaka utore mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo;

3 napashiri dzedenga utore nomwe nomwe, jongwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika.

4 Nokuti kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanaisa mvura pa­nyika mazuva ana makumi mana nou­siku hunamakumi mana; zvipenyu zvose zvandakaita ndichazviparadza panyika. "

5 Noa akaita zvose sezvaakarairwa naJe­hovha.

6 Noa wakanga ava namakore ana mazana matanhatu panguva yokuuya kwemvura zhinji panyika.

7 Ipapo Noa wakapinda muareka, navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vava­nakomana vake, nokuda kwemvura zhi­nji.

8 Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisina kunaka, neshiri, nezvose zvinoka­mbaira panyika,

9 zvakapinda kuna Noa muareka zviviri zviviri, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Noa.

10 Mazuva ma­nomwe akati apfuura, mvura zhinji ika­vapo panyika.

11 Pagore ramazana matanhatu rou­penyu hwaNoa, nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namanomwe romwedzi, nezuva iroro matsime ose apakadzika­dzika akadziurwa, namahwindo edenga akazarurwa;

12 mvura zhinji ikanaya pa­nyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana.

13 Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNoa, no­mukadzi waNoa, navakadzi vatatu vava­nakomana vake pamwechete naye;

14 ivo, nemhuka dzose namarudzi adzo, nezvi­pfuwo zvose namarudzi azvo, nezvino­kambaira zvose zvinokambaira panyika namarudzi azvo, nezvinobhururuka zvose namarudzi azvo, neshiri dzose dzamarudzi ose.

15 Zvakapinda kuna Noa muareka, zviviri zviviri zvezvipenyu zvose zvinomweya woupenyu.

16 Zvose, zvakapinda, zvakapinda zvichiita mu­kono nehadzi, zvose zvipenyu, sezvaaka­rairwa naMwari, Jehovha akamuzaririra mukati.

17 Mvura zhinji ikavapo panyika ma­zuva ana makumi mana; mvura ikawa­nda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika.

18 Mvura ikakwirira, ikawanda kwazvo panyika, areka ikafa­mba pamusoro pemvura.

19 Mvura ika­kwirira kwazvo kwazvo panyika, ma­komo marefu ose pasi pedenga rose akafukidzwa.

20 Mvura ikakwirira kusvi­kira pamakubhiti ane gumi namashanu pamusoro pawo; makomo akafukidzwa.

21 Zvipenyu zvose zvaifamba panyika zvikafa, zvaiti, shiri, nezvipfuwo, ne­mhuka, nezvinokambaira, zvose zvaika­mbaira panyika, navanhu vose;

22 zvinhu zvose zvakanga zviine kufema kwo­mweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvi­kafa.

23 Zvipenyu zvose, zvakanga zviri pasi pose, zvikaparadzwa, zvaiti, vanhu, nezvipfuwo, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; zvikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, nezvakanga zviri muareka naye.

24 Mvura ikaramba yakakwirira pa­nyika mazuva ane zana namakumi ma­shanu.

8

1 Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera,

2 namatsime apakadzika namahwindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa,

3 mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera.

4 Nomwedzi wechino­mwe, nezuva regumi namanomwe ro­mwedzi, areka ikamira pamusoro pama­komo eArarati.

5 Mvura ikaramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nomwedzi wegumi, nezuva rokutanga romwedzi misoro yamakomo ikaonekwa.

6 Mazuva ana makumi mana akati apfuura, Noa akazarura hwindo reareka raakanga aita;

7 akabudisa gunguvo, iro rikaramba richibhururuka-bhururuka ku­svikira mvura yapwa panyika.

8 Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari, kuti aone kana mvura yaserera panyika;

9 asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, no­kuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akai­tora, akaipinza kwaari muareka.

10 Ipapo akagara mamwe mazuva manomwezve, akabudisazve njiva paa­reka;

11 njiva ikapinda kwaari made­kwana; onei mumuromo mayo makanga muine rushizha rwomuorivhi rwakata­nhwa; naizvozvo Noa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.

12 Aka­garazve mazuva manomwe, akabudisa­zve njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari.

13 Pagore ramazana matanhatu neri­mwe, pamwedzi wokutanga, nomusi wo­kutanga womwedzi, mvura yakanga ya­pwa panyika; ipapo Noa akabvisa denga reareka, akatarira, onei pasi pose paoma.

14 Nomwedzi wechipiri, nezuva rama­kumi maviri namanomwe romwedzi, nyika yakanga yaoma.

15 Zvino Mwari wakataura naNoa akati,

16 "Budai muareka, iwe, nomukadzi wako, navanakomana vako, navakadzi vavanakomana vako, pamwechete newe.

17 Budisawo pamwechete newe zvipenyu zvose zvenyama zvinewe, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nezvinokambaira zvose, ne­zvinokambaira panyika, kuti zviwande panyika, zvibereke, zvive zvizhinji pa­nyika."

18 Ipapo Noa akabuda, iye nava­nakomana vake, nomukadzi wake, nava­kadzi vavanakomana vake pamwechete naye;

19 nemhuka dzose, nezvinoka­mbaira zvose, neshiri dzose, nezvose zvinofamba panyika, namarudzi azvo, zvakabuda paareka.

20 Noa akavakira Je­hovha aritari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzaka­naka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paa­tari.

21 Jehovha akanzwa kunhuwira kwa­kanaka, Jehovha akati mumoyo make, "Handichazotukizve nyika nokuda kwo­munhu; nokuti kufunga kwomoyo wo­munhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, se­zvandakaita.

22 Nguva yose yenyika ku­dzvara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvi­ngagumi."

9

1 Zvino Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, "Berekai, muwande, muzadze nyika.

2 Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundu­kai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu.

3 Zvose zvinofamba zvipenyu zvi­chava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema.

4 Asi nyama, kana inoupenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo.

5 Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndichari­tsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomu­nhu.

6 Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; no­kuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.

7 As imwi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo."

8 Zvino Mwari akataura naNoa nava­nakomana vake vakanga vanaye, akati,

9 "Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai;

10 ne­zvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika.

11 Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti ipara­dze nyika."

12 Ipapo Mwari akati, "Ndi­cho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi.

13 Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.

14 Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, mu­raraungu uyu ukaonekwa mugore,

15 ndi­charangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama.

16 Mura­raungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pa­kati paMwari nezvipenyu zvose zve­nyama zviri panyika."

17 Mwari akati kuna Noa, "Ndicho chiratidzo chesu­ngano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika."

18 Vanakomana vaNoa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani.

19 Ndivava vakanga vari vanakomana vaNoa; nyika yose yakazadzwa navo.

20 Noa akatanga kuva murimi, aka­rima munda womuzambiringa;

21 akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake.

22 Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazi­visa vakuru vake vaviri.

23 Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguvo, vakaiisa pamafu­dzi avo, vakaenda manhenda shure, va­kafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo.

24 Zvino Noa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanako­mana wake muduku,

25 akati, "Kenani ngaatukwe; achava muranda wavaranda kuvakuru vake."

26 Akati, "Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, Kenani ngaave muranda wake.

27 Mwari ngaakurise Jafeti, ngaagare mumatende aShemu, Kenani ngaave muranda wake."

28 Noa akagara shure kwemvura zhi­nji makore ana mazana matatu namakumi mashanu.

29 Mazuva ose Nloa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi ma­shanu, akafa.

10

1 Ndiwo marudzi avanakomana vaNoa, naShemu, naHamu, naJa­feti; ivo vakaberekerwa vana shure kwe­mvura zhinji.

2 Vanakomana vaJafeti ndivo: Go­meru, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi.

3 Vana­komana vaGomeru ndivo: Ashikenazi, naRifati, naTogarima.

4 Vanakomana vaJavhani ndivo: Erisha, naTashisi, naKi­timi, naDhodhanimu.

5 Kwavari kwaka­bva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, ne­mhuri dzavo, nendudzi dzavo.

6 Vanakomana vaHamu ndivo: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani.

7 Vana­komana vaKushi ndivo: Sebha, naHa­vhira, naSabhata, naRama, naSabhuteka; navanakomana vaRama ndivo: Shebha naDhedhani.

8 Kushi akabereka Nimuro­dhi, ndiye akatanga kuva nesimba pa­nyika.

9 Akanga ari mudzimba mukuru pamberi paJehovha; naizvozvo vanoti, "SaNimurodhi, mudzimba mukuru pa­mberi paJehovha."

10 Ushe hwake hwaka­tanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine, panyika yeShinari.

11 Akabuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akavaka Ninivhe neRohobhoti-iri, neKara,

12 neRe­seni, pakati peNinivhe neKara (iri iguta guru).

13 Miziraimu akabereka vaRudhi, navaAnami, navaRehabhi, navaNafitu­himu,

14 navaPaturusi navaKasiruhi, (vaFirisitia vakabva kwavari), navaKafutori.

15 Kenani akabereka Sidhoni, da­ngwe rake, naHeti;

16 navaJebhusi, na­vaAmori, navaGirigashi;

17 navaHivhi, navaAriki, navaSini,

18 navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati. Shure kwai­vava mhuri dzavaKenani dzakapararira.

19 Muganhu wavaKenani wakatanga paSidhoni, ukaenda Gerari, ukasvika Gaza, ukaenda Sodhomu, neGomora, neAdhamu, neZibhoimu, ukasvika paRasha.

20 Ndivo vanakomana vaHamu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.

21 Naiye Shemu, baba vavana vose vaEbheru, mukuru waJafeti, akabereke­rwa vana.

22 Vanakomana vaShemu ndivo: Eramu, naAsheri, naAripakisha­dhi, naRudhi, naAramu.

23 Vanakomana vaAramu ndivo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi.

24 Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru.

25 Ebheru akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe rakanga riri Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun’una wake rakanga riri Jokitani.

26 Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera;

27 naHadhoramu, naUsari, naDhikira;

28 naObhari, naAbhimaeri, naShebha;

29 naOfiri, naHavhira, naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

30 Kwavakagara ndiko: kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuva.

31 Ndivo vana­komana vaShemu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.

32 Ndidzo mhuri dzavanakomana vaNoa, nedzimba dzavo, nendudzi dzavo; kwavari kwakabva ndudzi dzose dzaka­pararira, shure kwemvura zhinji.

11

1 Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe.

2 Zvino vakati vachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari, vakagarako.

3 Vakataurirana, vachiti, "Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise kwazvo." Zvidhina zvakava mabwe avo, nebitumini rakava dope ravo.

4 Vakati, "Uyai, ngatizviva­kire guta, norusvingo, runomusoro uno­svikira kudenga; tizvimutsire mukuru­mbira, kuti tirege kupararira panyika yose."

5 Ipapo Jehovha wakaburuka kuzota­rira guta norusvingo, rwakanga ruchiva­kwa navanakomana vavanhu.

6 Jehovha akati, "Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chi­nhu chavangada kuita chavangadziviswa.

7 Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana."

8 Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vaka­rega kuvaka guta ravo.

9 Naizvozvo va­karitumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jeho­vha wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose.

10 Ndiwo marudzi aShemu. Shemu wakanga ana makore ane zana, akabereka Aripakishadhi, mvura zhinji yapfuura makore maviri;

11 wakati abereka Aripa­kishadhi, Shemu akagara makore ana mazana mashanu; akabereka vanako­mana navanasikana.

12 Aripakishadhi wakagara makore ana makumi matatu namashanu, akabe­reka Shera;

13 wakati abereka Shera, Ari­pakishadhi akagara makore ana mazana mana namatatu, akabereka vanakomana navanasikana.

14 Shera wakagara makore ana ma­kumi matatu, akabereka Ebheru.

15 Wa­kati abereka Ebheru, Shera akagara ma­kore ana mazana mana namatatu; akabereka vanakomana navanasikana.

16 Ebheru wakagara makore ana ma­kumi matatu namana, akabereka Peregi,

17 wakati abereka Peregi, Ebheru akagara makore ana mazana mana namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasi­kana.

18 Peregi wakagara makore ana ma­kumi matatu, akabereka Rehu;

19 wakati abereka Rehu, Peregi akagara makore ana mazana maviri namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.

20 Rehu wakagara makore ana ma­kumi matatu namaviri, akabereka Serugu;

21 wakati abereka Serugu, Rehu akagara makore ana mazana maviri namanomwe; akabereka vanakomana navanasikana.

22 Serugu wakagara makore ana ma­kumi matatu, akabereka Nahori;

23 wakati abereka Nahori, Serugu akagara makore ana mazana maviri, akabereka vanako­mana navanasikana.

24 Nahori wakagara makore ana ma­kumi maviri namapfumbamwe, akabe­reka Tera;

25 Nahori akagara makore ane zana negumi namapfumbamwe, akabe­reka vanakomana navanasikana.

26 Tera wakagara makore ana ma­kumi manomwe, akabereka Abhuramu naNahori, naHarani.

27 Ndiwo marudzi aTera; Tera waka­bereka Abhuramu, naNahori, naHarani; Harani akabereka Roti;

28 Harani akafa, baba vake Tera vachiri vapenyu, panyika yokuberekwa kwake, paUri yavaKara­dhea.

29 Abhuramu naNahori vakazviwa­nira vakadzi; zita romukadzi waAbhu­ramu rainzi Sarai; zita romukadzi waNahori rainzi Mirika, mukunda waHa­rani, baba vaMirika, nababa vaIsika.

30 Sarai wakanga asingabereki, wakanga asina mwana.

31 Zvino Tera wakatora mwanakomana wake Abhuramu, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanako­mana womwanakomana wake, naSarai, mukadzi womwanakomana wake Abhu­ramu; vakatama navo vakabva Uri yavaKaradhea, kuti vaende kunyika yeKenani, vakasvika Harani, vakagarapo.

32 Mazuva aTera akanga ari makore ana mazana maviri namashanu; Tera akafira Harani.

12

1 Zvino Jehovha wakati kunaAbhuramu, "Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo;

2 ndichakuita rudzi rukuru, ndichaku­ropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe.

3 Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukawo; marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri."

4 Naizvozvo Abhuramu wakaenda se­zvaakaudzwa naJehovha; naRoti wakae­nda naye. Abhuramu wakanga ana ma­kore ana makumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani.

5 Abhuramu aka­tora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwa­nakomana womunun’una wake, nefuma yavo yose yavakanga vaunganidza, na­vana vavakanga vabereka paHarani, va­kabuda kuenda kunyika yeKenani; vaka­ndosvika kunyika yeKenani.

6 Abhuramu akagura nenyika iyo akasvika panzvimbo inonzi Shekemu, pamuti womuouki weMore; nguva iyo vaKenani vakanga vari munyika iyo.

7 Zvino Jehovha wakazvira­tidza kuna Abhuramu, akati, "Ndichapa vana vako nyika iyi;" akavakira Jehovha aritari ipapo, iye wakanga azviratidza kwaari.

8 Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavi­razuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha aritari, akanamata Zita raJehovha ipapo.

9 Kubva ipapo Abhuramu wakara­mba achitamira kumavirazuva.

10 Zvino nzara yakanga iripo panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira Ijipiti ku­ndogarako; nokuti nzara yakanga iri huru panyika iyo.

11 Zvino wakati oda kupinda Ijipiti, akati kuna Sarai, mukadzi wake, "Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wa­kanaka pachiso chako;

12 kana vaIjipiti vachikuona, vachati, `Ndiye mukadzi wa­ke', vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu.

13 Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame no­kuda kwako. "

14 Zvino Abhuramu achi­svika Ijipiti, valjipiti vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo.

15 Namachinda aFarao akamuonawo, vakandomurumbi­dza kuna Farao; mukadzi akatorwa, akai­swa mumba maFarao.

16 Akaitira Abhu­ramu zvakanaka nokuda kwake; waiva namakwai, nemombe, namakono ema­dhongi, navaranda, navarandakadzi, na­madhongi echikadzi, namakamera.

17 Asi Jehovha wakatambudza Farao neveimba yake namatambudziko makuru nokuda kwaSarai, mukadzi waAbhu­ramu.

18 Zvino Farao wakadana Abhu­ramu akati, "Chiiko ichi chawakandiitira? Wakaregereiko kundizivisa kuti mu­kadzi wako.

19 Wakarevereiko uchiti, `Ihanzvadzi yangu?' Naizvozvo ndaka­mutora kuti ave mukadzi wangu; naizvo­zvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako."

20 Zvino Farao akaraira vamwe varume pamusoro pake, vakamu­perekedza iye nomukadzi wake nezvose zvaakanga anazvo.

13

1 Zvino Abhuramu wakakwira, akabva Ijipiti, iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRo­tiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi.

2 Abhuramu wakanga akafuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama.

3 Akafa­mba nzendo dzake achibva nyasi kusvi­kira paBheteri, kunzvimbo iya kwaiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;

4 kunzvimbo yearitari, yaakanga ai­tapo pakutanga; Abhuramu akanamata zita raJehovha ipapo.

5 NaRoti, iye wakaenda naAbhu­ramu, wakanga aine makwai, nemombe, namatende.

6 Nyika ikasavaringana, kuti vagare panzvimbo imwe; nokuti fuma yavo yakanga iri zhinji; vakasagona ku­gara panzvimbo imwe.

7 Vafudzi vezvi­pfuwo zvaAbhuramu navafudzi vezvi­pfuwo zvaRoti vakaita nharo; vaKenani navaPerezi vakanga vagere panyika iyo.

8 Ipapo Abhuramu akati kuna Roti, "Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafu­dzi vako, nokuti tiri hama.

9 Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Para­dzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi ini ndichae­nda kuruboshwe."

10 Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti raka­nga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari.

11 Roti akazvitsaurira bani rose reJorodhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakapa­radzana havo.

12 Abhuramu akagara pa­nyika yeKenani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhomu.

13 Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa, vaitadzira Jehovha kwazvo-kwazvo.

14 Zvino Roti wakati aparadzana naye, Jehovha akati kuna Abhuramu, "Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutivi rwokumusoro, norwe­nyasi, norwokumabvazuva, norwokuma­virira;

15 nokuti nyika yose yaunoona, ndichaipa iwe navana vako nokusinga­peri.

16 Ndichaita vana vako seguruva renyika; kuti kana kuine munhu anogona kuverenga guruva renyika, navana vako vangaverengwawo.

17 Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo."

18 Ipapo Abhuramu wakabvisa tende rake, aka­ndogara pamiti yemiouki yeMamure, iri paHebhuroni, akavakirapo Jehovha aritari.

14

1 Zvino nenguva yaAmuraferi, mambo weShinari, naArioki ma­mbo weErasari, naKedhoriraomeri, ma­mbo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi,

2 vakarwa naBhera, mambo weSodhomu, naBherisha, mambo weGomora, naShinabhi, mambo weAdhamu, naShemebheri, mambo weZe­bhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari).

3 Ava vose vakasangana mumu­pata weSidhimu (ndiro Gungwa roMu­nyu).

4 Vakanga vava varanda veKedhoriraomeri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu.

5 Ipapo Kedhoriraomeri wakauya negore regumi namana, namadzimambo aaka­nga anawo, akakunda vaRefaimi paAshitoreti karinaimi, navaZuzimi paHamu, navaEmimi paShave-kiriataimi,

6 navaHori pagomo ravo reSeiri, kusvi­kira paEriparani, pedo nesango.

7 Va­kadzoka, vakasvika Enimishipati (rino­nziwo Kadheshi), vakakunda nyika yose yavaAmareki, navaAmori, vakanga va­gere paHazazoni-tamari.

8 Zvino mambo weSodhomu, nama­mbo weGomora, namambo weAdhamu, namambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari), vakabuda vaka­gadzira hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu;

9 kuti varwe naKedhorirao­meri, mambo weEramu, naTidhari, ma­mbo weGoyimi, naAmuraferi, mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana kuti arwe namadzi­mambo mashanu.

10 Zvino mupata weSi­dhimu wakanga uzere namakomba ane tara, madzimambo eSodhomu neGomora vakatiza vakawiramo; vakasara vakatizira kugomo.

11 Vakatora fuma yose yeSo­dhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose, vakaenda.

12 Vakatorawo Roti, mwanakomana womunun’una waAbhu­ramu wakanga agere paSodhomu, ne­fuma yake, vakaenda.

13 Zvino mumwe wakanga apuku­nyuka wakasvika, akaudza Abhuramu, muHebheru; iye wakanga agere pamiti yemiouki yaMamure, muAmori, mu­nun’una waEshikori, munun’una waAneri; ava vakanga vaita sungano naAbhuramu.

14 Zvino Abhuramu wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa, akaraira varume vake vakanga vadzidziswa kurwa, vaka­zvarwa paimba yake, vana mazana ma­tatu negumi navasere, akavateverera ku­svikira paDhani;

15 akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavaku­nda, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko.

16 Akadzosa fuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nefuma yake, navakadziwo nava­nhu.

17 Ipapo mambo weSodhomu waka­buda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhorir-omeri nama­dzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).

18 Me­rikizedheki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupirisiti waMwari woKudenga-denga.

19 Akamuropafadza, akati, "Abhuramu ngaaropafadzwe naMwari woKudenga­denga, muridzi wokudenga napasi.

20 Mwari woKudenga-denga ngaaku­dzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu." Akamupa chegumi chezvose.

21 Zvino mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, "Ndipe vanhu, iwe utore hako fuma. "

22 Abhuramu akati kuna mambo weSodhomu, "Ndakasimudzira ruoko rwa­ngu kuna Jehovha, Mwari woKudenga­denga, muridzi wokudenga napasi,

23 kuti handingatori rushinda kana rukanda rwe­shangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, `Ndini nda­kafumisa Abhuramu',

24 ini handidi ha­ngu, asi zvakadyiwa namajaya chete, nomugove wavanhu vakaenda neni, va­naAneri, naEshikori, naMamure, ngava­tore migove yavo."

15

1 Shure kwaizvozvo shoko raJe­hovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, "Usatya Abhuramu; ini ndiri nhovo yako nomu­bayiro wako mukuru-kuru."

2 Abhuramu akati, "Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kanhi?"

3 Abhuramu akati, "Tarirai, hamuna ku­ndipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi we­nhaka yangu."

4 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, "Uyu haangavi mudyi we­nhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako."

5 Akamubudisa panze akati, "Zvino tarira kudenga, uverenge nyere­dzi, kana uchigona kudziverenga." Akati kwaari, "Ndizvo zvichaita vana vako."

6 Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.

7 Akati kwaari, "Ndini Jehovha wa­kakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako."

8 Iye akati, "Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?"

9 Akati kwaari, "Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, nemwana wenjiva."

10 Akandomutorera izvozvo zvose, aka­zvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura.

11 Ipapo magora aka­burukira kunyama, asi Abhuramu wakaa­dzinga.

12 Zvino zuva rakati rovira, Abhu­ramu ndokubatwa nehope huru; akawi­rwa nokutya kwakabva parima guru.

13 Akati kuna Abhuramu, "Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana;

14 asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nefuma zhinji.

15 Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wa­kwegura kwazvo.

16 Rudzi rwechina ru­chadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara."

17 Zvino zuva rakati ravira, kwa­sviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama.

18 Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhu­ramu, akati, "Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.

19 VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni,

20 navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi,

21 navaAmori, navaKenani, navaGiriga­shi, navaJebhusi."

16

1 Zvino Sarai, mukadzi waAbhuramu, wakanga asingamuberekeri vana; iye wakanga aine murandakadzi, muIjipiti, wainzi Hagari.

2 Sarai akati kuna Abhuramu, "Tarira Jehovha waka­ndikonesa kubereka, pinda hako kumura­ndakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye." Abhuramu akateerera shoko raSarai.

3 Zvino Sarai mukadzi waAbhu­ramu, wakatora Hagari muljipiti, mura­ndakadzi wake; Abhuramu zvino waka­nga agara makore ane gumi panyika yeKenani akamupa Abhuramu, murume wake, kuti ave mukadzi wake.

4 Akapinda kuna Hagari, iye akatora mimba; zvino wakati aona kuti wava nemimba, aka­shora vatenzi vake.

5 Ipapo Sarai akati kuna Abhuramu, "Kukanganiswa kwangu ngakuve pamu­soro pako; ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino iye wakati aona kuti wava nemimba, akandishora; Jehovha ngaatonge pakati pangu newe."

6 Abhuramu akati kuna Sarai, "Ta­rira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda." Zvino Sa­rai wakamunetsa, akatiza.

7 Mutumwa waJehovha akamuwana patsime remvura musango, patsime riri panzira inoenda Shuri.

8 Akati, "Nhai Hagari, murandakadzi waSarai, wabve­piko? Unoendepiko?" Iye akati, "Ndino­tiza vatenzi vangu Sarai."

9 Mutumwa waJehovha akati kwaari, "Dzokera kuna vatenzi vako, uzviduku­pise pasi pake."

10 Mutumwa waJehovha akati kwaari, "Ndichawandisa vana vako, varege kuverengwa nokuwanda kwavo."

11 Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari, "Tarira wava nemimba, uchabereka mwanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishimaeri, nokuti Jehovha wakanzwa ku­tambudzika kwako.

12 Iye uchava sembizi pakati pavanhu; ucharwa navanhu vose, navanhu vose vacharwa naye; uchagara akatarisana nehama dzake dzose."

13 Hagari akatumidza Jehovha wa­kataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, "Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!"

14 Naizvozvo tsime iro ra­katumidzwa Bheeriahiroi (tsime raiye mupenyu unondiona); riri pakati peKa­dheshi neBheredhi.

15 Hagari akaberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu akatumidza mwanakomana wake, wakaberekwa naHagari, zita rinonzi Ishimaeri.

16 Abhu­ramu wakanga ana makore makumi ma­sere namatanhatu, Hagari achimuberekera Ishimaeri.

17

1 Abhuramu wakati asvika ma­kore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, "Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama.

2 Ndichaita su­ngano yangu pakati pangu newe, ndicha­kuwanza kwazvo."

3 Ipapo Abhuramu akawira pasi nechiso chake, Mwari aka­taura naye, akati,

4 "Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe, uchava baba ve­ndudzi zhinji-zhinji.

5 Zita rako haricha­zonzi Abhuramu, asi zita rako richanzi Abhurahamu; nokuti ndakakuita baba vendudzi zhinji-zhinji.

6 Ndichakubere­kesa vana vazhinji-zhinji; ndichakuita ndudzi, namadzimambo achabva kwauri.

7 "Ndichasimbisa sungano yangu pa­kati pangu newe, navana vako vanokute­vera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako nowa­vana vako vanokutevera.

8 Ndichakupa iwe navana vako vanokutevera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKenani yose, kuti ive yako nokusingaperi; ini ndichava Mwari wako. "

9 Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, "Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose.

10 Ndiyo sungano yangu, yamunofanira kuchengeta pakati pangu nemi navana vako vanokutevera, vanako­mana vose pakati penyu ngavadzingiswe.

11 Mudzingiswe panyama yechikanda chenyu chapamberi, kuti chive chiratidzo chesungano iri pakati pangu nemi.

12 Mwanakomana ane mazuva masere pakati penyu ngaadzingiswe, mukomana mumwe nomumwe pamarudzi enyu, kana akazvarwa mumba, kana akatengwa ne­mari kuvatorwa vapi navapi, vasati vari vavana vako.

13 Wakazvarwa mumba mako, Nowakatengwa nemari, vanofanira kudzingiswa; sungano yangu ive pa­nyama penyu, ive sungano isingaperi.

14 Munhurume asina kudzingiswa, asina kudzingiswa panyama yechikanda chake chapamberi, munhu akadai anofanira ku­bviswa pakati porudzi rwake, akaputsa sungano yangu."

15 Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, "Kana ari Sarai, mukadzi wako haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake richanzi Sara;

16 ndichamuropa­fadza iye, ndikupe mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza iye, kuti ave mai vendudzi; madzimambo avanhu achabva maari."

17 Ipapo Abhurahamu wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumoyo make, "Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumba­mwe, angabereka here?"

18 Abhurahamu akati kuna Mwari, "Dai Ishimaeri achira­rama hake pamberi penyu! "

19 Mwari akati kwaari, "Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakubere­kera mwanakomana, unofanira kumutu­midza zita rinonzi Isaka; ndichaita su­ngano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera.

20 Kana ari Ishimaeri, ndakunzwawo; ta­rira, ndamuropafadza, ndichamuberekesa vana vazhinji, nokumuwanzisa kwazvo; achabereka madzishe ane gumi namaviri, ndichamuita rudzi rukuru.

21 Asi sungano yangu ndichaisimbisa naIsaka, uyo wau­chaberekerwa naSara nenguva iyi ma­kei."

22 Akapedza kutaura naye, Mwari akakwira achibva kuna Abhurahamu.

23 Ipapo Abhurahamu wakatora Ishi­maeri, mwanakomana wake, navose vaka­zvarwa mumba make, navose vakatengwa nemari yake, munhurume mumwe nomu­mwe kuvanhu vakanga vari paimba yaAbhurahamu, akavadzingisa zvikanda zvavo zvapamberi nomusi iwoyo, sezvaakau­dzwa naMwari.

24 Abhurahamu wakanga ana makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe musi wokudzingiswa kwake.

25 lshimaeri, mwanakomana wake, wakanga ana makore ane gumi namatatu musi wokudzingiswa kwake.

26 Nomusi uyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwe­chete naIshimaeri mwanakomana wake.

27 Navarume vose veimba yake, vakanga vazvarirwa mumba make, navakanga va­tengwa nemari kuvatorwa, vakadzingiswa pamwechete naye.

18

1 Zvino Jehovha wakazviratidza kwaari pamiti yemiouki yeMa­mure, agere pamusuo wetende masikati zuva richipisa;

2 akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; akati achivaona, aka­bva pamusuo wetende, akamhanya ku­ndosangana navo, akakotamira pasi,

3 akati, "Ishe wangu, kana ndawana nya­sha kwamuri, musapfuura henyu pamura­nda wenyu.

4 Ngavauye nemvura shoma­nana, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti;

5 ini nditore chi­medu chechingwa, musimbise moyo yenyu; mugozopfuura henyu, nokuti ndi­zvo zvamauyira kumuranda wenyu. Ivo vakati; 'ita hako sezvawataura'

6 Abhurahamu akakurumidza kupi­nda mutende kuna Sara, akati, "Kurumi­dza ugadzire zviyero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka, ukanye, ubike zvingwa zviduku. "

7 Naiye Abhurahamu akamhanyira kumombe, akatora mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka, akapa muranda wake, iye akakurumidza kuigadzira.

8 Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya.

9 Ivo vakati kwaari, "Sara, mukadzi wako, ari kupiko?" Iye akati, "Tarirai, ari mutende."

10 Iye akati, "Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwa­muri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana." Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuo wetende shure kwake.

11 Zvino Abhurahamu naSara vakanga vakwegura, vava namakore mazhinji; nomutoo wavakadzi wakanga watoguma kuna Sara.

12 Sara akaseka mumoyo make akati, "Ini ndingazvifa­rira here zvandachembera, naiye tenzi wangu akwegurawo?"

13 Jehovha akati kuna Abhurahamu, "Sara wasekereiko, achiti, `Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?'

14 Kune chi­nhu chingakunda Jehovha here? Nguva ino, gore rapfuura, ndichadzokera kwauri; Sara achava nomwanakomana."

15 Asi Sara akaramba achiti, "Ha­ndina kuseka," nokuti akanga achitya. Iye akati, "Kwete waseka hako."

16 Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodhomu; Abhurahamu akaenda navo achivapere­kedza.

17 Zvino Jehovha akati, "Ndicha­vanzira Abhurahamu zvandinoita here?

18 Abhurahamu zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari?

19 Nokuti nda­kamutsaura, kuti araire vana vake navei­mba yake vanomutevera, kuti vache­ngete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura pamusoro pake."

20 Ipapo Jehovha akati, "Kudanidzira kweSodhomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwa­zvo;

21 ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokuda­nidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva."

22 Zvino vaya varume vakabva, va­kaenda Sodhomu; asi Abhurahamu aka­ramba amire pamberi paJehovha.

23 Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati, "Mu­chaparadza vakarurama pamwechete na­vakaipa here?

24 Zvimwe vangavapo va­karurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mu­kasainzwira tsitsi nokuda kwavakaru­rama vana makumi mashanu varimo here?

25 Ngazvive kure nemi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete nava­kaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?"

26 Ipapo Jehovha akati, "Kana ndika­wana muSodhomu vakarurama vana ma­kumi mashanu mukati meguta, ndicha­nzwira nzvimbo yose tsitsi nokuda kwavo. "

27 Abhurahamu akapindura akati, "Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJeho­vha, ini guruva nedota hangu;

28 zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama vana makumi mashanu; mungaparadza guta rose kana vashanu vashaikwa here?" Akati, "Handingariparadzi, kana ndikawa­namo makumi mana navashanu."

29 Akataurazve naye akati, "Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana." Akati, "Handingazviiti nokuda kwamakumi mana."

30 Akati, "Jehovha ngaarege hake kunditsamwira, kana ndikataurazve. Zvi­mwe vana makumi matatu vachawani­kwamo." Akati, "Handingazviiti, kana ndikawana makumi matatu."

31 Akati, "Tarirai, ndatsunga kutaura naJehovha, zvimwe vana makumi maviri vachawanikwamo." Akati, "Handingari­paradzi nokuda kwamakumi maviri."

32 Akati, "Jehovha ndikataurazve ka­mwe chete; zvimwe vane gumi rimwe chete vangawanikwamo." Akati, "Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi."

33 Ipapo Jehovha akabva, apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kumba kwake.

19

1 Vatumwa vaviri vakasvika So­dhomu madekwana; Roti akanga agere pasuo reSodhomu; Roti akavaona, akasimuka, akaenda kundosangana navo, akakotamira pasi nechiso chake;

2 akati, "Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, mu­vate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu." Ivo vakati, "Kwete tichavata hedu padare usiku hwose."

3 Akavanyengetera zvikuru; vaka­dzimara votsaukira kwaari, vakapinda mumba make; akavagadzirira chirayiro, akabika chingwa chisina mbiriso, vaka­dya;

4 zvino vasati vavata, varume ve­guta, ivo varume veSodhomu, vakako­mba imba, vaduku navakuru, vanhu vose vokumativi ose;

5 vakadanidzira kuna Roti, vakati kwaari, "Vari kupiko varume vakapinda kumba kwako usiku huno? Vaburitsirei kwatiri, kuti tiva­zive."

6 Roti akabuda akaenda kwavari ku­musuo, akazarira musuo shure kwake.

7 Akati, "Regai henyu kuita zvakaipa zvakadai, hama dzangu.

8 Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva mu­rume, regai ndivabudisire kwamuri, mu­vaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvava­kapindira mumumvuri wedenga rangu."

9 Ivo vakati, "Suduruka! " Vakati, "Munhu uyu wakauya kuzogara pano ari mutorwa, iye zvino anoda kuva mutongi. Zvino tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo." Vakamanikidza murume uyo Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.

10 Asi va­rume vakatambanudza maoko avo, vaka­kwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga gonhi.

11 Vakapofomadza va­kanga vari pamusuo, vaduku navakuru; vakazvinetsa vachitsvaka musuo.

12 Va­rume vakati kuna Roti, "Une vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vana­komana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno.

13 Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza."

14 Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazo­wana vakunda vake, vakati, "Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino." Asi vakuwasha vake vakati, "Anoita hake musare."

15 Utonga huchitsvuka vatumwa va­kakurumidzisa Roti vachiti, "Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa."

16 Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha wakanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.

17 Zvino vakati vavabu­disa kunze, mumwe akati, "Tiza nokuda kwoupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa."

18 Roti akati kwavari, "Kwete, ishe wangu, regai kudaro.

19 Tarirai, muranda wenyu wakawana nyasha kwamuri, ma­kurisa tsitsi dzenyu dzamakandiitira, zva­mandiraramisa; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandiwira ndikafa.

20 Tarirai, guta iri riri pedo, nditizire hangu ikoko; iduku haro, ndite­nderei kuti nditizire ikoko, (harizi duku here?) Mweya wangu urarame."

21 Iye akati kwaari, "Tarira, ndaku­nzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handi­ngaparadzi guta iri rawareva.

22 Kurumi­dza, utizireko, nokuti handigoni kuita chinhu usati wasvikapo." Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari.

23 Zuva rakanga rabuda panyika, Roti achisvika paZoari.

24 Ipapo Jehovha akanaisa pamusoro peSodhomu neGomora sarufa nomoto, zvi­chibva kudenga kuna Jehovha,

25 akapa­radza maguta iwayo, nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta, nezvose zva­kanga zvamera pavhu.

26 Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akai­twa shongwe yomunyu.

27 Zvino Abhurahamu wakamuka mangwanani, akaenda ikoko kwaakanga amire pamberi paJehovha;

28 akatarira kurutivi rweSodhomu neGomora noku­nyika yose yebani, akaona utsi hwenyika iyo huchikwira soutsi hwechoto.

29 Zvino Mwari wakati achiparadza maguta ebani, Mwari akarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati po­kuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.

30 Zvino Roti wakakwira, achibva muZoari, akandogara mugomo, navaku­nda vake vaviri pamwechete naye; nokuti wakatya kugara muZoari; akagara, mu­bako, iye navakunda vake vaviri.

31 Zvino dangwe rakati kumuduku, "Baba vedu vakwegura; hakuna murume panyika ino angapinda kwatiri nomutoo wenyika yose;

32 uya, tinwise baba vedu waini, tivate navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu."

33 Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, wedangwe akapinda, akando­vata nababa vake; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.

34 Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, "Tarira, ndavata nababa va­ngu usiku hwanezuro; ngativanwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, undovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu."

35 Vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasi­muka, akandovata navo; ivo havana ku­ziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.

36 Naizvozvo vakunda vaRoti va­viri vakava nemimba kuna baba vavo.

37 Wedangwe akabereka mwanakomana,akamutumidza zita rinonzi Moabhu, ku­svikira zuva ranhasi.

38 Nomudukuwo wakabereka mwanakomana, akamutumi­dza zita rinonzi Bheniami; ndivo baba vavana vaAmoni kusvikira zuva ranhasi.

20

1 Zvino Abhurahamu wakabvapo, akaenda kunyika yenyasi, aka­ndogara pakati peKadheshi neShuri; akava mutorwa muGerari.

2 Abhurahamu akati pamusoro paSara, mukadzi wake, "Ihanzvadzi yangu." Abhimereki, ma­mbo weGerari, akatuma vanhu kundotora Sara.

3 Asi Mwari wakauya kuna Abhi­mereki usiku pakurota, akati kwaari, "Tarira, uchafa nokuda kwomukadzi wa­watora; nokuti mukadzi uyu ane mu­rume. "

4 Zvino Abhimereki wakanga asina kuswedera kwaari; akati, "Ishe, muchau­raya norudzi rwakaruramawo here?

5 Ko iye haana kundiudza here, achiti, iha­nzvadzi yangu; naiye mukadzi haana kuti, ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo nomoyo wakarurama, na­maoko akachena."

6 Mwari akati kwaari pakurota, "Hongu, ndinoziva kuti wa­kaita chinhu ichi nomoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kundita­dzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.

7 Saka zvino dzosa mukadzi womurume uyu, nokuti muporofita; iye achakunyengeterera, kuti urarame; kana ukasamudzosa, uzive kuti uchafa zviro­kwazvo, iwe navose vari vako."

8 Abhimereki akamuka mangwanani, akadana varanda vake vose, akavaudza izvozvo zvose munzeve dzavo; varume vakavhunduka kwazvo.

9 Ipapo Abhime­reki akadana Abhurahamu akati kwaari, "Chiiko chinhu ichi chawatiitira? Ini ndakutadzireiko, zvawauyisa mhosva huru pamusoro pangu napamusoro pou­she hwangu?"

10 Abhimereki akati kuna Abhurahamu, "Wanga uchiti kudiniko, zvawaita chinhu ichi?"

11 Abhurahamu akati, "Nokuti nda­kati, `Zvirokwazvo havatyi Mwari pa­nzvimbo ino; zvimwe vachandiuraya pa­musoro pomukadzi wangu.'

12 Uye, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mwana wamai vangu; akazowanikwa neni.

13 Zvino Mwari wakati achindibudisa paimba ya­baba vangu, kuti ndidzungaire, ndikati kwaari, `Hechi chinhu chakanaka chau­nofanira kundiitira. Pose patinosvika, uti pamusoro pangu, ihanzvadzi yangu.' "

14 Abhimereki akatora makwai, ne­mombe, navaranda, navarandakadzi, akapa Abhurahamu izvozvo, akamudzo­serawo Sara, mukadzi wake.

15 Abhime­reki akati, "Tarira, nyika yangu iri pa­mberi pako; gara hako paunoda."

16 Akati kuna Sara, "Tarira, ndapa hanzvadzi yako mashekeri esirivha ane chiuru che­zana; chichava chifukidziro chameso ako kuna vose vaunavo; waruramiswa pa­mberi pavose."

17 Abhurahamu akanyengetera kuna Mwari, Mwari akaporesa Abhimereki, no­mukadzi wake, navarandakadzi vake, va­kabereka vana.

18 Nokuti Jehovha wakanga azarira zvizvaro zvose zveveimba yaAbhi­mereki nokuda kwaSara, mukadzi waAbhurahamu.

21

1 Zvino Jehovha wakashanyira Sara, sezvaakataura; Jehovha akaitira Sara sezvaakavaudza.

2 Sara akava nemimba, akaberekera Abhura­hamu mwanakomana pakukwegura kwake nenguva iyeyo yakanga yarehwa naMwari.

3 Abhurahamu akatumidza mwanakomana wake, waakaberekerwa naSara, zita rinonzi Isaka.

4 Abhurahamu akadzingisa mwanakomana wake Isaka aita mazuva masere, sezvaakarairwa naMwari.

5 Abhurahamu wakanga asvika makore ane zana, nguva yaakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.

6 Ipapo Sara akati, "Mwari wandisekesa; vose, vano­nzwa izvozvi, vachaseka neni."

7 Akati, "Ndianiko waitongoti kuna Abhurahamu, `Sara achayamwisa vana?' Nokuti ndaka­muberekera mwanakomana pakukwegura kwake. "

8 Mwanakomana wakazokura, akaru­murwa; Abhurahamu akaita mutambo mukuru nomusi wokurumurwa kwalsaka.

9 Zvino Sara akaona mwanakomana waHagari, muljipiti, waakaberekera Abhu­rahamu, achiseka.

10 Saka wakati kuna Abhurahamu, "Dzinga mubatiri uyu no­mwanakomana wake, nokuti mwanako­mana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka."

11 Shoko iro rakanga rakaipa kwazvo kuna Abhurahamu, nokuda kwo­mwanakomana wake.

12 Ipapo Mwari akati kuna Abhurahamu, "Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomukomana nokwo mubatiri wako; uteerere Sara pazvinhu zvose zvaano­taura kwauri, nokuti rudzi rwako ruchatumidzwa nezita ralsaka.

13 Naiye mwa­nakomana womubatiri ndichamuita rudzi rukuruwo, nokuti mwanakomana wako."

14 Abhurahamu akamuka mangwa­nani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishe­bha.

15 Mvura yeguchu yakati yapera, akakanda mwana pasi munyasi megwe­nzi;

16 iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, "Ndi­rege kuona hangu mwana achifa." Aka­gara pakatarisana naye, akachema kwa­zvo.

17 Mwari akanzwa inzwi romuko­mana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, "Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa inzwi romukomana apo paari.

18 Simuka usimudze mukomana, umubate noruoko rwako, nokuti ndicha­muita rudzi rukuru."

19 Ipapo Mwari akasvinudza meso ake, akaona tsime remvura; akaenda, akazadza guchu ne­mvura, akanwisa mukomana.

20 Mwari akava nomukomana, akakura, akagara murenje, akava munhu anopfura nouta.

21 Akagara murenje reParani, mai vake vakamutorera mukadzi kunyika yeIjipiti.

22 Zvino nenguva iyo Abhimereki naPikori, mukuru wehondo yake, vaka­taura naAbhurahamu, vakati, "Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita;

23 nai­zvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini, kana vana vangu, kana vana vavana vangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uitewo saizvo­zvo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa."

24 Abhurahamu akati, "Ndi­chapika."

25 Asi Abhurahamu akatuka Abhime­reki nokuda kwetsime remvura rakanga ratorwa nesimba navaranda vaAbhime­reki.

26 Abhimereki akati, "Handizivi akaita izvozvo, newe hauna kundiudza, ini handina kumbozvinzwa, asi nhasi."

27 Abhurahamu akatora makwai nenzo­mbe, akapa Abhimereki, ivo vaviri va­kaita sungano.

28 Abhurahamu akaraura zvisheche zvinomwe zvamakwai;

29 Abhimereki akati kuna Abhurahamu, "Ko zvisheche izvi zvinomwe zvawa­raura ndezveiko?"

30 Iye akati, "Zvisheche izvi zvino­mwe uzvigamuchire paruoko rwangu, chive chapupu changu, kuti ndini ndaka­chera tsime iri."

31 Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bheerishebha, nokuti ndipo pavakapika ivo vaviri.

32 Saizvozvo vakaita sungano paBheeri­shebha; Abhimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, vakadzokera ku­nyika yavaFirisitia.

33 Abhurahamu aka­sima muti womutamarisiki paBheerishe­bha, akanamatapo zita raJehovha Mwari wokusingaperi.

34 Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.

22

1 Shure kwaizvozvo Mwari wa­kaedza Abhurahamu, akati kwaari, "Abhurahamu! " Iye akati, "Ndiri pano hangu."

2 Akati, "Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza."

3 Abhurahamu akamuka mangwa­nani, akasunga mbongoro yake, akatora majaya ake maviri naIsaka, mwanako­mana wake, akatsemura huni dzechiba­yiro chinopiswa, ndokusimuka, akaenda kunzvimbo yaakaudzwa naMwari.

4 Zvino nomusi wetatu Abhurahamu aka­simudza meso ake, akaona nzvimbo iyo ari kure.

5 Abhurahamu akati kumajaya ake, "imwi chigarai henyu pano nembo­ngoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwa­muri. "

6 Abhurahamu akatora huni dzechi­bayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto neba­nga muruoko rwake, vakaenda vari va­viri.

7 Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, "Baba vangu! " Iye akati, "Ndiri pano hangu, mwana wangu." Akati: "Hoyu moto nehuni, asi hwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?"

8 Abhurahamu akati, "Mwari ucha­tipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;" saizvozvo vakafamba vari vaviri.

9 Vakandosvika panzvimbo yaakau­dzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo aritari, akagadzira huni, ndokusunga mwa­nakomana wake, akamuisa paaritari pamu­soro pehuni.

10 Zvino Abhurahamu akata­mbanudza ruoko rwake, akatora banga, kuti abaye mwanakomana wake.

11 Ipapo mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari, ari kudenga akati, "Abhurahamu! Abhurahamu!" Iye akati, "Ndiri pano hangu."

12 Akati, "Usaisa ruoko rwako ku­mwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete."

13 Abhurahamu akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chiba­yiro panzvimbo yomwanakomana wake.

14 Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha jire; saka nanhasi vanositi, "Pagomo raJehovha ndipo paa­chaonekwa."

15 Ipapo mutumwa waJehovha waka­dana Abhurahamu rwechipiri, ari kude­nga,

16 akati, "Zvanzi naJehovha, `Ndaka­pika neni ndimene,' ndichiti, `Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwe chete;

17 ndichakuropafa­dza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye se­jecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuo ava­vengi vavo;

18 ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawa­kateerera inzwi rangu.' "

19 Ipapo Abhura­hamu wakadzokera kumajaya ake, vaka­simuka vakaenda vose Bheerishebha; Abhurahamu akagara paBheerishebha.

20 Zvino shure kwaizvozvo Abhura­hamu wakaudzwa, zvichinzi, "Tarira, Mirika wakaberekerawo munun’una wako Nahori vanakomana ava:

21 Uzi, dangwe rake, naBuzi, munun’una wake, naKemueri, baba vaAramu,

22 naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri.

23 Bhetueri akabereka Rabheka, ava va­sere ndivo vakaberekerwa Nahori, munu­n’una waAbhurahamu, naMirika."

24 No­murongo wake wainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTa­hashi, naMaaka.

23

1 Zvino Sara wakagara makore ane zana namakumi maviri nama­nomwe; ndiwo makore oupenyu hwaSara.

2 Sara akafa paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni) panyika yeKenani; Abhurahamu akauya kuzochema Sara nokumuririra.

3 Zvino Abhurahamu akasimuka pa­nowakafa wake, akataurirana navana vaHeti, akati,

4 "Ndiri mweni nomutorwa pakati penyu, ndipei nzvimbo yokuviga pakati penyu, ive nzvimbo yangu, kuti ndivige wakafa wangu, ndirege ku­muona."

5 Vana vaHeti vakapindura Abhura­hamu, vakati kwaari,

6 "Chitinzwai, ishe wedu, imwi muri muchinda waMwari pa­kati pedu; vigai wakafa wenyu pahwiro hwakanaka pakati pamahwiro edu ose; hakuna munhu pakati pedu angakunyimai hwiro hwake, kuti muvige wakafa we­nyu.

7 Ipapo Abhurahamu wakasimuka akakotamira pasi pamberi pavanhu ve­nyika iyo, ivo vana vaHeti,

8 akataurirana navo, akati, "Kana muchitenda kuti ndi­vige wakafa wangu, ndirege kumuona, chindinzwai, mundikumbirire kuna Efu­roni, mwanakomana waZohari,

9 kuti andipe bako reMakapera, raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro, ndiripe mutengo wose, ive nzvimbo ya­ngu yokuviga pakati penyu."

10 Efuroni zvino wakanga agere pa­kati pavana vaHeti; Efuroni, muHeti, akapindura Abhurahamu, vana vaHeti, vachizvinzwa, ivo vose vaipinda pasuo reguta rake, akati,

11 "Kwete, ishe wangu, chindinzwai; teererai, ndinokupai munda, nairo bako ririmo, ndinokupai iro; ndino­kupai izvozvo pamberi pavana vavanhu vangu; vigai henyu wakafa wenyu."

12 Abhurahamu akakotama pamberi pava­nhu venyika iyo,

13 akataura naEfuroni, vanhu venyika iyo vachizvinzwa, achiti, "Kana uchida, chinditeerera hako, ndi­chakupa mutengo womunda, uugamu­chire kwandiri, kuti ndivige wakafa wa­ngupo."

14 Efuroni akapindura Abhurahamu, akati kwaari,

15 "Ishe wangu, chinditeererai; mu­nda unotengwa namashekeri esirivha ana mazana mana, chingava chinyiko pakati pangu newe? Vigai henyu wakafa we­nyu."

16 Abhurahamu akateerera Efuroni. Abhurahamu akayerera Efuroni mashe­keri esirivha aakareva, vana vaHeti va­chizvinzwa, mashekeri esirivha ana ma­zana mana, avanotenga nawo kuvatengesi.

17 Naizvo munda waEfuroni, wa­kanga uri paMakapera pakatarisana neMamure, munda nebako rakanga ririmo, nemiti yose yakanga iri mumunda neya­kanga iri panyika yose yakapoteredza,

18 zvikava zvaAbhurahamu pamberi pa­vana vaHeti, pamberi pavose vaipinda pasuo reguta rake.

19 Shure kwaizvozvo Abhurahamu akaviga Sara, mukadzi wake, mubako romunda weMakapera, pakatarisana neMamure (rimwe zita ndiHebhuroni), pa­nyika yeKenani.

20 Zvino munda nebako rakanga ririmo zvakasimbisiwa kuna Abhurahamu navana vaHeti, kuti zvive zvake, ikava nzvimbo yake yokuviga.

24

1 Abhurahamu zvino wakanga akwegura, ava mutana kwazvo; Jehovha wakanga aropafadza Abhura­hamu pazvinhu zvose.

2 Abhurahamu akataura nomuranda wake, waiva mukuru weimba yake, waichengeta zvose zvaaka­nga anazvo, achiti, "Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,

3 ndikupi­kise naJehovha, Mwari wokudenga, naMwari wenyika, kuti haungatoreri mwa­nakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, vandinogara pakati pavo;

4 asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi."

5 Muranda akati kwaari, "Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera ku­nyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwama­kabva here?"

6 Abhurahamu akati kwaari, "Che­njera kuti urege kudzosera mwanako­mana wangu ikoko.

7 Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba ya­baba vangu nomunyika yokuzvarwa kwa­ngu, wakataura neni, akandipikira, achiti, `Nyika ino ndichapa vana vako,' ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu muka­dzi ikoko.

8 Kana mukadzi asingatendi kukutevera, iwe uchasunungurwa paku­pika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mwanakomana wangu ikoko."

9 Ipapo muranda akaisa chanza chake pasi pechi­dya chatenzi wake, akamupikira pamu­soro pechinhu ichocho.

10 Muranda akatora makamera ane gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, aine nhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori.

11 Akapfugamisa maka­mera kunze kweguta patsime remvura nenguva yamadekwana, iri nguva yai­buda vakadzi kundochera mvura;

12 akati, "Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhu­rahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abhurahamu ngoni.

13 Tarirai ndimire patsime re­mvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura.

14 Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, `Nditu­rirewo chirongo chako, ndinwe'; kana akati, `Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo;' ngaave iye wamaka­tsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni. "

15 Zvino wakanga asati apedza ku­taura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, munun’una waAbhurahamu, waka­svika ane chirongo pafudzi rake.

16 Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumbozi­viwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve.

17 Ipapo muranda wakamhanyira kundo­sangana naye, akati, "Dondipawo mvura pachirongo chako, ndinwe."

18 Iye akati, "Inwai henyu, ishe wa­ngu;" akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa.

19 Wakati apedza kumunwisa, akati, "Ndichacherera makamera enyuwo ku­svikira aguta."

20 Akakurumidza, akadu­rura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose.

21 Murume akamutarisisa, anye­rere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete.

22 Makamera akati apedza kunwa murume akatora chindori chendarama chakaita hafu yeshekeri rimwe rendarama pakurema kwacho, nezvishongo zviviri zvamaoko zvakaita mashekeri ane gumi pakurema kwazvo;

23 akati, "Uri mukunda waaniko? Ndiudze hako. Kumba kwababa vako kune pokuvata here?"

24 Iye akati, "Ndiri mukunda waBhe­tueri, mwanakomana waMirika, waaka­berekera Nahori."

25 Akati kwaariwo, "Tinahwo uswa hwakaoma nezvokudya zvizhinji, nopokuvatawo."

26 Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehovha.

27 Akati, "Je­hovha, Mwari watenzi wangu Abhura­hamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandi­fambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu."

28 Ipapo musikana wa­kamhanya, akandoudza veimba yamai vake mashoko iwaya.

29 Zvino Rabheka wakanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani; Rabhani akabuda, akamhanyira kumu­rume kutsime.

30 Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko eha­nzvadzi yake, achiti, "Ndizvo zvaka­taura murume kwandiri," akaenda ku­murume akamuwana amire pamakamera patsime.

31 Akati, "Pinda, iwe, wakaro­pafadzwa naJehovha; unomirireiko ku­nze? Nokuti ndagadzira imba nenzvi­mbo yamakamera. "

32 Murume akapinda mumba; akasunungura makamera akapa makamera uswa hwakaoma nezvoku­dya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzavarume vaakanga anavo.

33 Ipapo zvokudya zvakaiswa pa­mberi pake kuti adye; asi iye akati, "Handingadyi ndisati ndambotaura ma­shoko angu." Akati, "Taura hako."

34 Iye akati, "Ndiri muranda waAbhurahamu.

35 Jehovha wakaropafadza te­nzi wangu kwazvo; wava mukuru; waka­mupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.

36 NaSara, mukadzi watenzi wangu, wakaberekera tenzi wangu mwanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa zvose zvaanazvo.

37 Tenzi wangu akandipikisa, akati, `Usa­torera mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, pandigere mu­nyika yavo;

38 asi uende kune veimba yababa vangu nokuhama dzangu unoto­rera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.'

39 Ndikati kuna tenzi wangu, `Zvi­mwe mukadzi haangatendi kunditevera.'

40 Iye akati, `Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu;

41 uchasunungurwa paku­pika kwako kwandiri kana wasvika ku­hama dzangu; kana vakaramba kukupa iye, uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri.'

42 Zvino ndakasvika nhasi ku­tsime, ndikati, `Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchida ku­ndifambisa zvakanaka parwendo rwangu rwandinofamba,

43 tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitwe, kuti musikana anobuda kuzochera mvura,' wandichati kwaari, `Dondipawo zvimvura pachiro­ngo chako, ndinwe,'

44 iye akati kwandiri, `Inwai henyu, imwi, uye ndichacherera makamera enyuwo,' iye ave mukadzi wakatsaurirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.

45 Zvino ndisati ndape­dza kutaura mumoyo mangu, ndikaona Rabheka achiuya aine chirongo chake pafudzi rake; akaburukira kutsime, aka­chera; ndikati kwaari, `Dondipawo, ndi­nwe.'

46 Iye akakurumidza, akatura chiro­ngo chake pafudzi rake, akati, `Inwai henyu, uye ndichanwisa makamera enyu­wo'; ini ndikanwa, akanwisa makame­rawo.

47 Zvino ndakamubvunza, ndikati, `Uri mukunda waaniko?' Iye akati, `Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika;' ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.

48 Ndikakota­misa musoro wangu, ndikanamata Jeho­vha, ndikatenda Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mwa­nakomana watenzi wangu mukunda wo­munun’una watenzi wangu, kuti ave muka­dzi wake.

49 Zvino kana muchida kuitira tenzi wangu moyochena nokutendeka, mundiudze; kana musingadi, mundiudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruboshwe."

50 Ipapo Rabhani naBhetueri vakapi­ndura vakati, "Chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Isu hatigoni kutaura kwauri zva­kaipa kana zvakanaka.

51 Tarira, Rabheka ari pamberi pako, umutore uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJe­hovha."

52 Zvino muranda waAbhura­hamu wakati anzwa mashoko avo, aka­kotamira pasi pamberi paJehovha;

53 muranda akabudisa zvishongo zvesiri­vha, nezvendarama, nenguvo; akazvipa Rabheka; akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.

54 Vakadya, vakanwa, iye navarume vaakanga anavo; vakagarapo usiku hwose, vakamuka mangwanani; iye akati, "Regai, ndiende kuna tenzi wangu."

55 Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, "Musikana achimbogara nesu ma­zuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake."

56 Asi iye wakati kwavari, "Musandi­dzora henyu, Jehovha zvaakandifambisa zvakanaka parwendo rwangu; regai ndie­nde kuna tenzi wangu."

57 Ivo vakati, "Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake."

58 Vakadana Ra­bheka, vakati kwaari, "Uchaenda nomu­rume uyu here?" Akati, "Ndichaenda."

59 Ipapo vakatendera Rabheka, hanzvadzi yavo, nomureri wake, kuti vaende nomu­randa waAbhurahamu, navanhu vake.

60 Vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari, "Iwe, hanzvadzi yedu, uve mai vezviuru zvamazana; vana vako ngavave varidzi vamasuo avavengi vavo."

61 Rabheka akasimuka, navasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda parwendo rwake.

62 Zvino Isaka wakanga achibva ne­nzira yeBheeri-rakai-roi; nokuti waka­nga agere kunyika yenyasi.

63 Isaka aka­buda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaona makamera achiuya.

64 Rabheka akasimudzawo meso ake; akati achiona Isaka, akaburuka paka­mera rake.

65 Akati kumuranda, "Mu­rume uyu, anofamba musango kuzosa­ngana nesu ndianiko?" Muranda akati, "Nditenzi wangu;" iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza.

66 Zvino muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita.

67 Isaka aka­muisa mutende ramai vake Sara, akawana Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwa­mai vake.

25

1 Zvino Abhurahamu akawana­zve mumwe mukadzi, wainzi Ke­tura.

2 Iye akamuberekera Zimurami, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.

3 Jokishani akabe­reka Shebha naDhedhani. Vanakomana vaDhedhani vakanga vari vaAshuri, na­vaRetushi, navaReumi.

4 Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vakanga vari vana vaKetura.

5 Abhurahamu akapa Isaka zvose zvaakanga anazvo.

6 Asi vanakomana va­varongo vaAbhurahamu vaakanga anavo, Abhurahamu wakavapa zvipo; akava­tuma, iye achiri mupenyu, vabve kuna Isaka mwanakomana wake, vaende ku­mabvazuva, kunyika yokumabvazuva.

7 Ndiwo mazuva amakore oupenyu hwaAbhurahamu. Makore ane zana na­makumi manomwe namashanu.

8 Abhu­rahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa nava­nhu vake.

9 Isaka naIshimaeri, vanako­mana vake, vakamuviga mubako reMa­kapera, mumunda waEfuroni, mwanakomana waZohari, wavaHeti, wa­katarisana neMamure;

10 ndiwo munda wakanga watengwa naAbhurahamu ku­vana vaHeti; ndipo pakavigwa Abhura­hamu naSara, mukadzi wake.

11 Zvino Abhurahamu wakati afa, Mwari akaropa­fadza Isaka, mwanakomana wake; Isaka akagara paBheeri-rakai-roi.

12 Ndiwo marudzi alshimaeri, mwa­nakomana waAbhurahamu, wakabereke­rwa Abhurahamu naHagari, muljipiti, mu­randakadzi waSara.

13 Ndiwo mazita avanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo pakuzvarwa kwavo. Wedangwe waIshimaeri wakanga ari Nebhayoti, naKe­dhari, naAdhibheri, naMibhisami,

14 naMi­shima, naDhurina, naMasa,

15 naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema;

16 ndivo vanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo, pamisha yavo napamatende avo; machinda ane gumi namaviri nendu­dzi dzavo.

17 Ndiwo makore oupenyu hwaIshimaeri, makore ane zana namakumi matatu namanomwe; akabudisa mweya wake, akafa, akasanganiswa navanhu vake.

18 Vakagara kubva paHavhira kusvi­kira paShuri, mberi kweIjipiti, kana mu­nhu achienda Asiria; akandogara akatari­sana nehama dzake dzose.

19 Ndiwo marudzi alsaka, mwanako­mana waAbhurahamu. Abhurahamu aka­bereka Isaka;

20 Isaka akanga ana makore ana makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muAramu, wePadhanaramu, hanzvadzi yaRa­bhani, muAramu, kuti ave mukadzi wake.

21 Zvino Isaka wakanyengeterera muka­dzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunye­ngetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba.

22 Zvino vana vakasu­ndana mukati make, akati, "Kana zvaka­daro, ndakaitirweiko izvozvi?" Akando­bvunza Jehovha.

23 Jehovha akati kwaari, "Mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana, dzichibva mudumbu rako; rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba; mukuru achashumira muduku. "

24 Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake.

25 Wokutanga akabuda ari mu­tsvuku, muviri wose wakaita senguvo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau.

26 Pa­shure munun’una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.

27 Vakomana vaka­kura; Esau akava mudzimba wakache­njera, murume wesango; Jakobho waka­nga ari murume wakarurama, waigara mumatende.

28 Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wakanga achida Jakobho.

29 Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusa­ngo aziya;

30 Esau akati kuna Jakobho, "Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya;" saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu.

31 Jakobho akati, "Chimbonditenge­sera udangwe hwako."

32 Esau akati, "Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?"

33 Jakobho akati, "Chimbondipi­kira;" akamupikira, akatengesera Jako­bho udangwe hwake.

34 Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.

26

1 Zvino nzara yakanga iripo pa­nyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia.

2 Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, "Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza;

3 gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndicha­kupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako;

4 ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mu­vana vako;

5 nokuti Abhurahamu waka­teerera inzwi rangu, akachengeta zvanda­kamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu."

6 Isaka akagara Gerari;

7 vanhu venyika iyoyo vakamu­bvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, "Ihanzvadzi yangu;" nokuti waka­nga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, "Zvimwe vanhu venyika ino vangandiu­raya nokuda kwaRabheka;" nokuti aka­nga akanaka kumeso.

8 Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napahwindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mu­kadzi wake.

9 Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, "Tarira, zvirokwazvo muka­dzi wako; wakataura seiko uchiti, `Iha­nzvadzi yangu?' " Isaka akati kwaari, "Nokuti ndakati, `Zvimwe ndingafa no­kuda kwake.' "

10 Abhimereki akati kwaari, "Ndoku­diniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva."

11 Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, "Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo."

12 Zvino Isaka akadzvara zviyo mu­nyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza.

13 Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo;

14 akanga aine fuma yamakwai, neyemombe, ne­mhuri huru; vaFirisitia vakamugodora.

15 VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, va­kaafutsira nevhu.

16 Abhimereki akati kuna Isaka, "Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba."

17 Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo.

18 Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhura­hamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.

19 Varanda vaIsaka vakachera mu­mupata, vakawanapo tsime remvura ino­tubuka.

20 Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, "Imvura yedu;" akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye.

21 Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairo­rozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina.

22 Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, "Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino. "

23 Akabvapo, akakwira Bheerishebha;

24 Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, "Ndini Mwari waAbhu­rahamu, baba vako; usatya, nokuti ndi­newe, ndichakuropafadza, nokuwanza ru­dzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu."

25 Akavakapo aritari, aka­namata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime.

26 Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake.

27 Isaka akati kwavari, "Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzi­nga kwamuri?"

28 Ivo vakati, "Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, `Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe;

29 kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, se­zvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakue­ndesa norugare;' zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha."

30 Iye akava­gadzirira zvokudya, vakadya, vakanwa,

31 vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vaka­bva kwaari norugare.

32 Nomusi iwoyo varanda vaIsaka va­kauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, "Mvura taiwana."

33 Akaritumidza zita rinonzi Shebha; nai­zvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvi­kira zuva ranhasi.

34 Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, muku­nda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti;

35 ivavo va­karwadza moyo walsaka naRabheka.

27

1 Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwa­nakomana wake mukuru, akati kwaari, "Mwana wangu;" iye akati kwaari, "Ndiri pano hangu."

2 Akati, "Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rokufa kwangu.

3 Zvino tora hako nhumbi dzako dzokuvhima nadzo, dzinoti goba rako, nouta hwako, uende kusango undivhimire mhuka;

4 undigadzirire nyama yakanaka, sezvandinoda, uuye nayo kwandiri, ndi­dye, mweya wangu ukuropafadze, ndisati ndafa."

5 Zvino Rabheka akanzwa Isaka achitaura naEsau, mwanakomana wake. Esau akaenda kusango kundovhima mhuka, kuti auye nayo.

6 Rabheka aka­taura naJakobho, mwanakomana wake, akati, "Tarira, ndanzwa baba vako va­chitaura naEsau, mukoma wako, vachiti,

7 `Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuro­pafadze pamberi paJehovha ndisati ndafa.'

8 Zvino mwana wangu, teerera inzwi rangu sezvandinokuraira.

9 Enda zvino kuzvipfuwo, unditorerepo mbu­dzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire baba vako nadzo nyama yakanaka, se­zvavanoda;

10 ugoenda nayo kuna baba vako, vadye, kuti vakuropafadze vasati vafa."

11 Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, "Tarirai, Esau, mukoma wa­ngu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere.

12 Zvimwe baba vangu vachandibata-bata, ndikava so­munyengedzeri pamberi pavo, ndika­zviuyisira kutukwa pachigaro chokuro­pafadzwa."

13 Mai vake vakati kwaari, "Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu; teerera hako inzwi rangu, uende unditorere idzo."

14 Iye akaenda, akadzi­tora, akadziisa kuna mai vake; mai vake vakagadzira nyama yakanaka, yaidika­nwa nababa vake.

15 Zvino Rabheka akatora nguvo dzakaisvonaka dzaEsau, mwa­nakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzifukidza Jakobho, mwana­komana wake muduku;

16 akaisa nguvo dzembudzana pamaoko ake, napamutsipa wake pakanga pasina mvere;

17 akaisa nyama yakanaka nechingwa, zvaakanga agadzira, muruoko rwaJakobho, mwana­komana wake.

18 Iye akaenda kuna baba vake, akati, "Baba vangu;" ivo vakati, "Ndiri pano hangu; ndiwe aniko mwana wangu?"

19 Jakobho akati kuna baba vake, "Ndini Esau, dangwe renyu; ndaita sezvamandi­raira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yangu yemhuka, mweya wenyu undiropafadze."

20 Isaka akati kumwanakomana wake, "Wakurumidza seiko kuiwana, mwana wangu?" Iye akati, "Nokuti Jeho­vha, Mwari wenyu, waituma pamberi pangu. "

21 Isaka akati kuna Jakobho, "Chi­mboswedera hako, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau chaiye, kana kuti hausi iwe."

22 Jakobho akaswedera kuna Isaka, baba vake; ivo vakamubata­bata, vakati, "Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau."

23 Asi haana kumu­ziva, nokuti maoko ake akanga aine mvere, samaoko omukuru wake Esau; akamuropafadza.

24 Akati, "Ndiwe mwa­nakomana wangu Esau chaiye here?" Iye akati, "Ndini iye."

25 Akati, "Uiswededze pedo neni, kuti ndidye nyama yemhuka yomwana­komana wangu, mweya wangu ukuropa­fadze." Iye akaiswededza pedo naye, akadya; akamupawo waini, akanwa.

26 Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, "Swedera zvino unditsvode, mwana wa­ngu."

27 Akaswedera, akamutsvoda; aka­nzwa munhuwi wenguvo dzake, akamuro­pafadzwa, akati, "Tarira munhuwi womwanakomana wangu wakaita somunhuwi wesango rakaropafadzwa naJehovha;

28 Mwari ngaakupe dova rokudenga, mafuta enyika, nezviyo newaini zvakawanda.

29 Vanhu ngavakushumire, marudzi ose ngaakupfugamire; uve ishe wehama dzako, vanakomana vamai vako ngavakupfugamire; vose vanokutuka ngavatukwe, vose vanokuropafadza ngavaropafadzwe."

30 Zvino Isaka wakati apedza kuropa­fadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mu­koma wake, akapinda, achibva paku­vhima kwake.

31 Naiye akagadzira nyama yakanaka, akaenda nayo kuna baba vake; akati kuna baba vake, "Baba vangu ngavasimuke, ngavadye nyama yemhuka yomwanakomana wavo, kuti mweya we­nyu undiropafadze."

32 Ipapo Isaka baba vake vakati, "Ndiwe aniko?" Iye akati, "Ndini mwa­nakomana wenyu, dangwe renyu Esau."

33 Isaka akabvunda kwazvo-kwazvo, akati, "Ndianiko wakanga avhima mhuka, akauya nayo kwandiri ndikadya zvose, iwe usati wasvika, ndikamuropa­fadza? Hongu, zvirokwazvo iye acharo­pafadzwa hake."

34 Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema ku­kuru kunorwadza moyo, akati kuna baba vake, "Ndiropafadzei neniwo, baba vangu! "

35 Akati, "Munun’una wako wakauya nokunyengedzera, akatora kuropafadzwa kwako."

36 Iye akati, "Haana kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobho? No­kuti zvino wandinyengedzera kaviri; wa­mbonditorera udangwe hwangu, zvino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwa­ngu." Akati, "Hamuna kundichengete­rawo kuropafadzwa here?"

37 Isaka akapindura, akati kuna Esau, "Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo ne­waini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?"

38 Esau akati kuna baba vake, "Mu­nongova nokuropafadza kumwe kwoga here, baba vangu? Ndiropafadzei, ne­niwo, baba vangu!" Esau akachema no­kuchema. kukuru.

39 Ipapo Isaka baba vake, akapindura akati kwaari, "Tarira, ugaro hwako uchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro;

40 uchararama nomunondo wako, uchashumira munun’una wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako."

41 Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumoyo make, "Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya munun’una wangu Jakobho."

42 Zvino Rabheka akaudzwa ma­shoko aEsau, mwanakomana wake mu­kuru; akatuma munhu kundodana Jako­bho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, "Tarira, mukoma wako Esau anozvivaraidza pamusoro pako, achiti achakuuraya.

43 Saka zvino, mwana wa­ngu, teerera inzwi rangu; simuka utizire Harani kuna Rabhani hanzvadzi yangu;

44 undogara kwaari mazuva mashoma­nana, kusvikira shungu dzomukoma wako dzanyarara;

45 kusvikira kutsamwa kwomukoma wako kwanyarara kwauri, kana akanganwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mu­mwe imwi mose muri vaviri?"

46 Rabheka akati kuna Isaka, "Ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi ku­vakunda vaHeti, wakaita saivava, kuva­kunda venyika ino, upenyu hwangu ungandibatsirei?"

28

1 Zvino Isaka wakadana Jakobho, akamuropafadza, akamuraira, akati kwaari, "Usawana mukadzi kuva­kunda veKenani.

2 Simuka uende Padha­naramu, kuimba yaBhetueri, baba vamai vako, uzviwanire ikoko mukadzi kuvaku­nda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.

3 Mwari Wamasimbaose ngaakuropafa­dze, akuberekese vana, akuwanze, kuti uve ndudzi zhinji dzavanhu;

4 akupe ku­ropafadzwa kwaAbhurahamu, iwe, na­vana vako pamwechete newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, iyo yakapiwa Abhurahamu naMwari."

5 Isaka akati Jakobho aende, akaenda Padhanaramu, kuna Rabhani, mwanako­mana waBhetueri, muAramu, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakobho naEsau.

6 Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati ae­nde Padhanaramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, "Usawana mu­kadzi kuvakunda veKenani";

7 uyezve, kuti Jakobho akateerera baba vake namai vake, akaenda Padhanaramu.

8 Esau akaona kuti vakunda veKenani havana kufadza Isaka baba vake;

9 Esau akaenda kuna Ishimaeri, akawedzera kuvakadzi vake, vaakanga anavo, Maharati muku­nda walshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti, kuti ave mukadzi wake.

10 Zvino Jakobho akabuda paBheeri­shebha, akaenda Harani,

11 akasvika pane imwe nzvimbo, akavatapo usiku, nokuti zuva rakanga ravira; akatora rimwe ibwe ipapo, akaritsamira, akavata pasi ipapo.

12 Akarota, akaona danhu rakanga rami­swa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vaMwari va­chikwira nokuburuka naro.

13 Akaona Je­hovha amire naye, akati, "Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako;

14 vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, no­kumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako.

15 Tarira, ndi­newe, ndichakuchengeta kwose kwau­noenda, nokukudzosera kunyika ino; no­kuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza."

16 Ipapo Jako­bho akapepuka pahope dzake, akati, "Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini handina kuzviziva."

17 Akatya akati, "Nzvimbo ino inotyisa seiko! Iyi imba chaiyo yaMwari, isuo rokudenga."

18 Jakobho akamuka mangwanani, akatora ibwe raakanga akatsamira, akari­misa kuti rive shongwe, akadira mafuta pamusoro paro;

19 akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.

20 Ipapo Jakobho akapika mhiko achiti, "Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira ya­ndinoenda, akandipa zvokudya, ndidye, nezvokufuka, ndifuke;

21 ndikadzokera­zve norugare kuimba yababa vangu, Jehovha achava Mwari wangu;

22 neiri ibwe, randakamisa rikava shongwe, ri­chava imba yaMwari; nezvinhu zvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichaku­pai chegumi chazvo."

29

1 Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva.

2 Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru.

3 Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro.

4 Jakobho akati kwavari, "Hama dza­ngu, mabvepiko?" Ivo vakati, "Tabva Harani. "

5 Iye akati kwavari, "Munoziva Ra­bhani, mwanakomana waNahori, here?" Vakati, "Tinomuziva."

6 Akati kwavari, "Wakafara here?" Ivo vakati, "Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, wouya namakwai."

7 Akati, "Tarirai, achiri masikati ma­kuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugo­ndoafudza."

8 Ivo vakati, "Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo we­tsime; ipapo tinonwisa makwai."

9 Akati achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo.

10 Zvino Jako­bho akati achiona Rakeri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamu­romo wetsime, akanwisa makwai aRa­bhani, hanzvadzi yamai vake.

11 Jakobho akatsvoda Rakeri, akachema kwazvo.

12 Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake.

13 Rabhani akati anzwa ma­shoko aJakobho, mwanakomana weha­nzvadzi yake, akamhanya kundosa­ngana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose.

14 Rabhani akati kwaari, "Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu." Aka­gara naye mwedzi wose.

15 Zvino Ra­bhani akati kuna Jakobho, "Ko unga­ndibatira usingapiwi mubayiro, nokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako uve weiko."

16 Zvino Rabhani akanga ana vakunda vaviri; zita romukuru rakanga riri Rea, nezita romuduku Rakeri.

17 Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga aka­naka kwazvo pamuviri napachiso.

18 Zvino Jakobho akanga achida Rakeri, akati, "Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku."

19 Rabhani akati kwaari, "Zviri nani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumwe murume; gara hako neni."

20 Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.

21 Zvino Jakobho akati kuna Rabhani, "Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu asvika, kuti ndipinde kwaari."

22 Rabhani akakoka vanhu vose voko, akaita mutambo.

23 Zvino kuzoti ava madeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari.

24 Rabhani akapa Rea, mukunda wake Ziripa, murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake.

25 Zvino mangwana akaona kuti ndiRea; akati kuna Rabhani, "Chiiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRakeri here? Wandinyengedzera seiko?"

26 Rabhani akati, "Hakunzarwo kuno kwedu, kuti munun’una atange kuwaniswa, mukuru achigere.

27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve."

28 Jakobho akaita saizvozvo, akape­dza vhiki yewaniso naye; akamupa Ra­keri, mukunda wake, kuti ave mukadzi wake.

29 Rabhani akapa Rakeri, mukunda wake, Bhiriha murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake.

30 Akapindawo kuna Rakeri, akada Rakeriwo kupfuura Rea, akamubatira mamwe makore mano­mwezve.

31 Zvino Jehovha akaona kuti Rea akanga asingadikanwi, akamuberekesa; asi Rakeri akanga asingabereki.

32 Rea akava nemimba, akabereka mwanako­mana, akamutumidza zita rinonzi Ru­bheni; nokuti wakati, "Jehovha akaona dambudziko rangu; nokuti zvino murume wangu achandida."

33 Akava nemimba­zve, akabereka mwanakomana, akati, "Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, naizvozvo akandipawo uyu;" akamutu­midza zita rinonzi Simiyoni.

34 Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, "Zvino nguva ino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu;" naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.

35 Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, "Nguva ino ndicharumbidza Jehovha;" naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Judha; aka­guma kubereka.

30

1 Zvino Rakeri akati achiona kuti haaberekeri Jakobho vana, Rakeri akagodora mukoma wake, akati kuna Jakobho, "ndipe vana; kana usingandipi, ndichafa."

2 Ipapo Jakobho akatsamwira Rakeri akati, "Ndiri panzvimbo yaMwari kanhi, wakakushaisa chibereko?"

3 Iye akati, "Hoyo murandakadzi wangu Bhiriha; pinda kwaari kuti abereke pamabvi angu, neni ndiwane vana kwaari.'

4 Akamupa Bhiriha, murandakadzi wake, kuti ave mukadzi wake; Jakobho akapinda kwaari.

5 Zvino Bhiriha akava nemimba, akaberekera Jakobho mwanakomana.

6 Rakeri akati, "Mwari akandiruramisa, akandipa mwanakomana", naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Dhani.

7 Bhiriha, murandakadzi waRakeri akava nemimbazve, akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.

8 Zvino Rakeri akati, "Ndakarwa nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda;" akamutumidza zita rinonzi Nafutari.

9 Zvino Rea akati achiona kuti waguma kubereka vana akatora Ziripa, murandakadzi wake, akamupa Jakobho, kuti ave mukadzi wake.

10 Ziripa, murandaka­dzi waRea, akaberekera Jakobho mwana­komana.

11 Rea akati, "Makorokoto!" Akamutumidza zita rinonzi Gadhi.

12 Zi­ripa, murandakadzi waRea, akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.

13 Rea akati, "Ndinomufaro mukuru, nokuti va­nasikana vachati, ndinomufaro mukuru," akamutumidza zita rinonzi Asheri.

14 Zvino Rubheni akaenda pamazuva okucheka zviyo, akandowana michero kusango, akauya nayo kuna mai vake Rea. Rakeri akati kuna Rea, "Dondipawo michero yomwanakomana wako."

15 Iye akati kwaari, "Chinhu chiduku here kuti wakatora murume wangu?" Rakeri akati, "Naizvozvo ngaavate newe usiku huno nokuda kwemichero yomwa­nakomana wako."

16 Zvino Jakobho akati obva kusango madeko, Rea akabuda kundosangana naye, akati, "Unofanira kupinda kwa­ndiri, nokuti ndakakutenga nemichero yomwanakomana wangu." Akavata naye usiku ihwohwo.

17 Zvino Mwari akanzwa Rea, akava nemimba, akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu.

18 Rea akati, "Mwari akandipa mubayiro wangu, nokuti ndakapa murandakadzi wangu murume wangu;" akamutumidza zita rinonzi Isakari.

19 Rea akava nemimbazve, akaberekera jakobho mwanakomana wechitanhatu.

20 Rea akati, "Mwari akandipa chipo chakanaka; zvino murume wangu achagara neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu"; akamutumidza zita rinonzi Zebhuroni.

21 pashure akazobereka mwanasikana, akamutumidza zita rinonzi Dhina.

22 Zvino Mwari akarangarirawo Rakeri, Mwari akamunzwa, akazarura chizvaro chake.

23 Iye akava nemimba , akabereka mwanakomana; akati, "mwari akabvisa kuzvidzwa kwangu;"

24 akamutumidza zita rinonzi Josefa, achiti, "Jehovha ngaandiwedzere mumwe mwanakomana."

25 Zvino Rakeri akati abereka Josefa, Jakobho akati kuna Rabhani, "Ndiregei, ndiende kumusha kwangu, nokunyika yangu.

26 Ndipei vakadzi vangu navana vangu, vandakakubatirai, ndiende hangu, nokuti imwi munoziva kubata basa kwangu kwandakakubatirai nako."

27 Rabhani akati, ,"Zvino kana ndawana nyasha pamberi pako, gara hako, nokuti ndakaona kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako."

28 Akati, "Ndiudze mubayiro wako, ndigokupa iwo."

29 Iye akati, "imwi munoziva mumene sezvandakakubatirai, uye kugara kwezvipfuwo zvenyu kwandiri.

30 Nokuti zvamaiva nazvo, ndisati ndasvika, zvanga zviri zvishoma, zvikazowanda. zvikava zvizhinji; Jehovha akakuropafadzai pose pandakatsika; zvino ndichabatira imba yangu rinhiko?"

31 Iye akati, "Ndokupeiko?" Jakobho akati, "Musandipa chinhu; kana mukandiitira chinhu ichi, ndichafudzazve zvipfuwo zvenyu nokuzvichengeta.

32 Ndichafamba pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi, ndichiraura pakati pazvo zvose zvinamavara nezvinamakwapa, namatema pakati pamakwai, nedzinamavara nedzinamakwapa pakati pembudzi; ndizvozvo zvichava mubayiro wangu.

33 Nenzira iyi kururama kwangu kuchandipupurira pashure, kana muchizouya kuona mubayiro wangu uri pamberi penyu; dzose dzisina mavara nedzisina makwapa pakati pembudzi, namatema pakati pamakwai, izvozvo kana zvikawanikwa kwandiri mungati zvabiwa neni."

34 Rabhani akati, "Ndizvo hazvo, ngazvive sezvawataura."

35 Nomusi iwoyo akaraura nhongo dzembudzi dzakanga dzine mitsetse, nedzina makwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara nedzina makwapa, dzose dzakanga dzinoruvana ruchena, napakati pamakwai ose akanga anoruvara rutema, akazvipa vana vake;

36 akaisa runhambo rwamazuva matatu pakati pake naJakobho; Jakobho akafudza zvipfuwo zvaRabhani zvakanga zvasara.

37 Zvino Jakobho akatora matanda omusitorakisi, noomuamanda, noomupurani, akasvuura mitaro michena paari, kuti kuchena kuonekwe kwakanga kuri maari;

38 akaisa matanda aakanga asvuura pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, paiuya zvipfuwo zvichinwa; zvikatora zamu kana zvouya kunwa.

39 Zvipfuwo zvikatora zamu pamberi pamatanda, zvipfuwo zvikabereka vana vane mitsetse, navanamavara, navanamakwapa.

40 Zvino Jakobho akaraura makwayana, akataridza zvipfuwo kune zvaiva nemitsetse, nezvitema pakati pezvipfuwo zvaRabhani; akaisa mapoka ake ari oga; haana kuzviisa kuzvipfuwo zvaRabhani.

41 Zvino nguva imwe neimwe kana zvaiva nesimba pazvipfuwo zvichitora zamu, Jakobho akaisa matanda pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, kuti zvitore zamu pakati pamatanda;

42 asi kana zvipfuwo zvichishaiwa simba haana kuaisa; naizvozvo zvakanga zvisina simba zvakanga zviri zvaRabhani

43 Murume uyu akava mukuru kwazvo, akava nezvipfuwo zvizhinji, navaranda, navarandakadzi, namakamera, namadhongi.

31

1 Zvino Jakobho akanzwa mashoko avanakomana vaRabhani, vachiti, "Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu; azviwanira fuma yose iyi kune zvaiva zvababa vedu."

2 Jakobho akaonawo kuti chiso chaRabhani chakanga chisakaita kwaari sapakutanga.

3 Jehovha akati kuna Jakobho, "Dzokera kunyika yamadzibaba ako, nokuhama dzako; ini ndichava newe."

4 lpapo Jakobho akatuma munhu ku­ndodana Rakeri naRea vauye kusango kuzvipfuwo zvake;

5 akati kwavari, "Ndi­noona kuti chiso chababa venyu hachiza­kaita kwandiri sapakutanga; asi Mwari wababa vangu akanga aneni.

6 Munoziva kuti ndakabatira baba venyu nesimba rangu rose.

7 Baba venyu vakandinyenge­dzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi; asi Mwari haana kutendera kuti vandiitire zvakaipa.

8 Kana vakati, `Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvi­pfuwo zvose ndokubereka zvina mavara;' kana vakati, `Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako,' zvipfuwo zvose ndoku­bereka zvine mitsetse.

9 Naizvozvo Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo, akandipa ini izvozvo.

10 "Zvino zvipfuwo zvakati zvichi­tora mazamu, ndakatarira ndikaona paku­rota kwangu nhongo, dzakanga dzichi­kwira zvipfuwo, dzakanga dzine mitsetse, namavara, nedzakaita pfumbu.

11 Ipapo mutumwa waMwari akati kwandiri paku­rota kwangu, `Jakobho!' Ini ndikati, `Ndiri pano hangu.'

12 Akati, `Zvino ta­rira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dza­kaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.

13 Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzo­kere kunyika kwawakaberekerwa.' "

14 Ipapo Rakeri naRea vakapindura vakati kwaari, "Ko tichine mugove ne­nhaka kuimba yababa vedu here?

15 Ha­tizi tatova vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, vakapedzawo chose mute­ngo wedu.

16 Nokuti fuma yose, yakato­rerwa baba vedu naMwari, ndeyedu ne­yavana vedu; naizvozvo zvino chiita hako sezvawaudzwa naMwari."

17 Ipapo Jakobho akasimuka, akata­svisa vana vake navakadzi vake pama­kamera;

18 akatora zvipfuwo zvake zvose, nefuma yake yose, yaakanga aunganidza, zvipfuwo zvaakanga apfuwa, zvaakanga aunganidza paPa­dhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake, kunyika yeKenani.

19 Zvino Ra­bhani akanga aenda kundoveura maku­she amakwai ake; Rakeri akaba chifana­nidzo chainamatwa chababa vake.

20 Jakobho akanyengedzera Rabhani, muAramu, nokuti haana kumuudza kuti ndotiza.

21 Naizvozvo akatiza nezvose zvaakanga anazvo; akasimuka, akaya­mbuka Rwizi, akaringira kugomo reGi­riadhi.

22 Zvino nomusi wetatu Rabhani akaudzwa kuti Jakobho watiza.

23 Iye akaenda nehama dzake, akamuteverera rwendo rwamazuva manomwe; akando­mubata kugomo reGiriadhi.

24 Mwari akauya kuna Rabhani, muAramu, paku­rota usiku, akati kwaari, "Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho chinhu, kana chakanaka kana chakaipa."

25 Rabhani akasvika kuna Jakobho. Zvino Jakobho akanga adzika tende rake mugomo; Ra­bhani nehama dzake vakadzika matende avowo mugomo reGiriadhi.

26 Zvino Rabhani akati kuna Jako­bho, "Waita seiko iwe, nokuti wandinye­ngedzera, ukaenda navakunda vangu va­kaita savakatapwa nomunondo?

27 Watizireiko pakavanda, ukandinyenge­dzera; wakaregerei kundiudza, ndikaku­tendera kuti uende nomufaro, nenziyo, nengoma, norudimbwa?

28 Hauna kundi­tendera kuti nditsvode vanakomana va­ngu navakunda vangu. Zvino waita sebe­nzi.

29 Ndine simba paruoko rwangu rokukuitira zvakaipa; asi Mwari wababa vako akataura neni usiku hwazuro, akati, `Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jako­bho kana chakanaka kana chakaipa.'

30 Zvino, kana wakada kuenda hako, zva­wakanga uchishuva zvikuru imba yababa vako, wagobireiko vamwari vangu?"

31 Jakobho akapindura, akati kuna Rabhani, "Nokuti ndakanga ndichitya, nokuti ndakati, `Zvimwe munganditorera vakunda venyu nesimba.'

32 Iye wamu­ngawana ana vamwari venyu, ngaarege kurarama. Zvino hama dzedu dzichiriko, natsai kutsvaka zvinhu zvenyu zviri kwa­ndiri, mugozvitora;" nokuti Jakobho aka­nga asingazivi kuti Rakeri akanga azviba.

33 Zvino Rabhani akapinda mutende raJakobho, nomutende raRea, nomutende ravarandakadzi vaviri, asi haana kuzvi­wana. Ipapo akabuda patende raRea, akapinda patende raRakeri.

34 Zvino Ra­keri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabata-bata pose mute­nde, asi haana kuzviwana.

35 Iye akati kuna baba vake, "Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri." Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari.

36 Zvino Jakobho akatsamwa, akapo­potera Rabhani; Jakobho akapindura akati kuna Rabhani, "Kudarika kwangu ndokweiko? Ko kutadza kwangu ndo­kwei, zvamanditevera neshungu dzaka­dai?

37 Zvino zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose, magowaneiko panhumbi dzose zvokumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nedzenyu, vato­nge pakati pedu isu vaviri.

38 Ndakagara nemi makore aya makumi maviri; matu­nzvi enyu amakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, makondo­hwe enyu amakwai handina kuadya.

39 Zvakarumwa nezvikara handina kuuya nazvo kwamuri; asi ndakazviripa ini; makazvireva pamaoko angu, kana zvaka­biwa masikati, kana zvakabiwa usiku.

40 Masikati ndakafa nezuva, usiku necha­ndo; hope dzangu dzikabva kumeso angu.

41 Makore aya makumi maviri ndakagara mumba menyu; ndakakubatirai makore ane gumi namana pamusoro pavakunda venyu vaviri, namakore matanhatu pamu­soro pezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi.

42 Dai Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, iye wakatyiwa naIsaka, asaiva neni, zvi­rokwazvo mungadai maindiendesa ndi­sina chinhu. Mwari akaona kutambudzika kwangu namabasa amaoko angu, akaku­rairai usiku hwazuro."

43 Rabhani akapi­ndura, akati kuna Jakobho, "Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara?

44 Uya zvino ngatiite su­ngano, ini newe; chive chapupu pakati pangu newe."

45 Jakobho akatora ibwe, akarimisa, rikava shongwe.

46 Jakobho akati kuhama dzake, "Unganidzai mabwe;" ivo vaka­tora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamurwi.

47 Rabhani akautumidza Jegarisahadhuta; asi Jakobho akautumi­dza Garidhi.

48 Rabhani akati, "Murwi uyu ngachive chapupu pakati pangu newe zuva ranhasi." Naizvozvo akatumidzwa zita rinonzi Garidhi,

49 uyewo Mizipa, nokuti akati, "Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani.

50 Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana ku­wana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe."

51 Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, "Tarira murwi uyu, tarira shongwe iyi, yandakamisa pakati pangu newe.

52 Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, ndichienda kwauri, kuti tiitirane zva­kaipa.

53 Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaato­nge pakati pedu." Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake.

54 Ipapo Jakobho akabayira chibayiro mugomo; akakoka hama dzake kuti vadye zvoku­dya; vakadya zvokudya, vakavata usiku mugomo.

55 Rabhani akamuka mangwa­nani, akatsvoda vanakomana vake nava­kunda vake, akavaropafadza; Rabhani akabva, akadzokera kumusha kwake.

32

1 Zvino Jakobho akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndoku­sangana naye.

2 Akati achivaona, Jakobho akati, "Ihondo yaMwari;" akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Mahanaimi.

3 Zvino Jakobho akatuma nhume pa­mberi pake kuna Esau, mukuru wake, kunyika yeSeiri, munyika yeEdhomu.

4 Akavaraira, akati, "Taurai nashe wangu, Esau, muti, `Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndakanga ndiri mutorwa kuna Rabhani, ndikagarako kusvikira zvino;

5 ndine mombe, nembongoro, namakwai, navaranda, navarandakadzi; ndatuma va­nhu kuzoudza ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.' "

6 Nhume dzikadzokera kuna Jako­bho, dzikati, "Takandosvika kumukuru wenyu Esau; naiye anouya kuzosangana nemi ana varume vana mazana mana."

7 Jakobho akatya kwazvo, akatambu­dzika; akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo, namakwai nemombe namaka­mera, akaita mapoka maviri;

8 akati, "Kana Esau akasvika kune rimwe boka, akariparadza, boka rakasara ringatiza."

9 Zvino Jakobho akati, "imwi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imwi Jehovha, ndimwi makati kwandiri, `Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka';

10 handina kufanirwa ne­nyasha dzenyu dzose nokutendeka kwe­nyu kwose kwamakaitira muranda we­nyu; nokuti ndakayambuka Jorodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri.

11 Dondirwirai paruoko rwomukuru wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti achauya akandiparadza ini, namai, pa­mwechete navana.

12 Ndimwi makati, `Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regu­ngwa, risingagoni kuverengwa nokuwa­nda kwaro.' "

13 Akavatapo usiku ihwohwo; aka­tora zvimwe kune zvaakanga anazvo, kuti chive chipo kuna Esau, mukuru wake;

14 zvaiti: Nhunzvi dzembudzi dzina ma­zana maviri, nenhongo dzina makumi maviri, namatunzvi amakwai ana mazana maviri, namakondohwe ana makumi ma­viri,

15 namakamera anokamwa ana ma­kumi matatu nemhuru dzawo, nemhou dzemombe dzina makumi mana, nehando dzemombe dzine gumi, namakadzi embo­ngoro ana makumi maviri, nemhuru dzine gumi.

16 Akazvipa mumaoko avara­nda vake, boka rimwe nerimwe riri roga; akati kuvaranda vake, "Yambukai pa­mberi pangu, musiye runhambo pakati peboka rimwe nerimwe."

17 Akaraira wo­kutanga, akati, "Kana Esau, mukuru wangu, akasangana newe, akabvunza, achiti, `Uri munhu waaniko? Unoende­piko? Izvi zviri pamberi pako nde­zvaani?'

18 Uti, `Ndezvomuranda wenyu Jakobho; chipo chakatumirwa ishe wa­ngu Esau; tarirai, naiye ari kumashure kweduwo;' "

19 akarairawo wechipiri ne­wechitatu, navose vakanga vachitevera mapoka, akati, "Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muchidaro;

20 muti, `Tarirai, naiye muranda wenyu Jakobho ari mumashure medu.' " Nokuti akati, "Ndichambomunyaradza nechipo chino­nditungamirira, ndigoti ndoona chiso chake; zvimwe achandigamuchira."

21 Naizvozvo chipo chakayambutswa mberi kwake; asi iye pachake akavata usiku ihwohwo pakati peungano.

22 Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri navarandaka­dzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka pazambuko raJakobho.

23 Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo.

24 Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka.

25 Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka ne­mitsimba naye.

26 Iye akati, "Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka." Iye akati, "Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza."

27 Akati kwaari, "Zita rako ndianiko?" Iye akati, "Jako­bho."

28 Akati, "Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda."

29 Jako­bho akamubvunza, akati, "Ndiudzeiwo zita renyu." Iye akati, "Unondibvunzi­reiko zita rangu?" Akamuropafadza ipapo.

30 Zvino Jakobho akatumidza nzvi­mbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, "Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa."

31 Zuva rika­mubudira achipfuura napaPenieri; akaka­mhina pahudyu yake.

32 Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi nanhasi runda rehudyu riri papfupa rehudyu; nokuti akabata hudyu yaJakobho parunda rehudyu.

33

1 Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Rakeri naRea na­varandakadzi vaviri.

2 Akaisa varandaka­dzi navana vavo mberi, Rea navana vake shure kwavo, naRakeri naJosefa pakupe­dzisira.

3 Iye pachake akapfuura achiva­tungamirira, akakotamira pasi kanomwe, kusvikira aswedera pedo nomukuru wake.

4 Ipapo Esau akamhanyira kundo­sangana naye, akamumbundikira, aka­wira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; vakachema vose.

5 Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, "Ava vaunavo ndivanani?" Iye akati, "Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake."

6 Varandakadzi vakaswedera, ivo navana vavo, vakakotama.

7 NaRea navana vake vakaswederawo, vakakotama; pashure Josefa naRakeri vakaswedera, vakakotama.

8 Akati, "Ko boka iri rose randasangana naro ndereiko?" Iye akati, "Kuti ndiwane nyasha kuna ishe wangu."

9 Esau akati, "Ini ndine zvizhinji, munun’una wangu; izvo zvaunazvo, ngazvive zvako."

10 Jakobho akati, "Kwete,kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni.

11 Gamuchirai henyu chipo changu chamunopiwa; nokuti Mwari akandiitira nyasha, ndine zvizhi­nji." Akamugwaririra, akazochitora.

12 Akati, "Ngatipfuure hedu parwe­ndo rwedu, tiende, ini ndichakutungami­rira."

13 Iye akati kwaari, "Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvi­noyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa.

14 Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwomura­nda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavano­gona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri."

15 Esau akati, "Zvino ngandisiye kwauri vamwe vanhu vandinavo." Iye akati, "Muchaitireiko kudaro? Ndiwane hangu nyasha kuna ishe wangu."

16 Nai­zvozvo Esau akadzoka zuva iroro, akae­nda Seiri.

17 Asi Jakobho akaenda Sukoti, akazvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga; naizvozvo zita renzvi­mbo iyoyo rakanzi Sukoti.

18 Jakobho akasvika zvakanaka ku­guta reShekemu, riri panyika yeKenani, pakubva kwake paPadhanaramu; aka­dzika matende ake pakatarisana neguta.

19 Akatenga rutivi rwenyika, paakanga apetenura tende rake, kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari.

20 Aka­vakapo aritari, akaritumidza zita rinonzi ErieroheIsiraeri.

34

1 Zvino Dhina, mwanasikana waRea, waakaberekera Jakobho, aka­buda kundoona vakunda venyika iyoyo.

2 Ipapo Shekemu, mwanakomana waHa­mori, muHivhi, muchinda wenyika, aka­muona; akamutora, akavata naye, akamu­nyadza.

3 Mweya wake ukanamatira Dhina, mukunda waJakobho, akamuda musikana uyo, akataura zvakafadza moyo womusikana.

4 Zvino Shekemu akataura nababa vake, Hamori akati, "Ndi­torerei musikana uyo, ave mukadzi wa­ngu."

5 Zvino Jakobho akanzwa kuti aka­chinyira Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya.

6 Hamori, baba vaShe­kemu, vakaenda kuna Jakobho kundotau­rirana naye.

7 Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachi­bva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvi­kuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho cha­kanga chisingafaniri kuitwa.

8 Zvino Ha­mori akataurirana navo, akati, "Mweya womwanakomana wangu, Shekemu, unoshuva mukunda wenyu; domupai he­nyu iye, ave mukadzi wake.

9 Wananai henyu nesu, tipei vakunda venyu, mugo­tora vakunda vedu.

10 Garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garaimo, mushambadzire, muzviunganidziremo fuma."

11 Ipapo Shekemu akati kuna baba vake nokuhanzvadzi dzake, "Ndiwane hangu nyasha kwamuri; zvamunoreva kwandiri, ndichakupai.

12 Kumbirai he­nyu kwandiri roora guru nechipo chi­kuru; zvamunoreva kwandiri ndichaku­pai; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu. "

13 Ipapo vana vaJakobho vakapi­ndura Shekemu naHamori, baba vake, nokunyengera, vakataura nokuti akanga achinyira hanzvadzi yavo Dhina,

14 vakati kwavari, "Hatingagoni kuita chinhu ichi, kuti tipe munhu asina kudzingiswa hanzvadzi yedu, nokuti izvozvi zvinga­tinyadza;

15 tingatenderana nemi kwoga kana mukaita chinhu ichi, kuti muve sesu, murume mumwe nomumwe ari kwamuri adzingiswe;

16 ipapo isu ticha­kupai vakunda vedu, nesuo tichatora vakunda venyu; tigare nemi, tive sava­nhu vamwe.

17 Kana musingatitereri, kuti mudzingiswe, tichatora mukunda wedu, tikabva."

18 Mashoko avo akafadza Hamori naShekemu, mwanakomana waHamori.

19 Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichocho, nokuti akanga achifarira muku­nda waJakobho; naiye akanga achiku­dzwa kupfuura vose veimba yose yababa vake.

20 Zvino Hamori naShekemu, mwa­nakomana wake, vakauya kusuo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati,

21 "Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu.

22 Asi vanhu ava vachatenderana nesu kugara nesu, nokuita savanhu va­mwe nesu, kwoga kana tichiita chinhu ichi, kuti varume vose kwatiri vadzingi­swe, sezvavakadzingiswa ivo.

23 Ko mo­mbe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo kwoga, vagogara nesu."

24 Zvino vose vaibuda pasuo re­guta rake vakateerera Hamori, naShe­kemu, mwanakomana wake; ipapo va­rume vose vakadzingiswa, vose vaibuda pasuo reguta rake.

25 Zvino pazuva retatu, vachiri paku­rwadziwa, vanakomana vaviri vaJako­bho, Simiyoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora mumwe nomumwe munondo wake, vakapinda muguta vanhu vasingarindiri, vakauraya varume vose.

26 Vakauraya Hamori naShekemu, mwa­nakomana wake, neminondo inopinza, vakatora Dhina mumba maShekemu, va­kaenda.

27 Vanakomana vaJakobho va­kaenda kune vakauraiwa, vakapamba guta, nemhaka yokuti vakanga vachinyira hanzvadzi yavo.

28 Vakatora makwai avo, nemombe dzavo, nembongoro dzavo, nezvakanga zviri muguta, nezvakanga zviri kusango;

29 vakatapa fuma yavo yose, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, vakazviita mhambara, nezvinhu zvose zvakanga zviri mudzimba.

30 Ipapo Jakobho akati kuna Si­meoni naRevhi, "Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vano­gara munyika ino, pakati pavaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu va­shoma, vachandiunganira, vakandiu­raya; ndichaparadzwa ini neveimba ya­ngu."

31 Ivo vakati, "Iye agoitireiko neha­nzvadzi yedu sezvinoitwa nechifeve?"

35

1 Zvino Mwari akati kuna Jakobho, "Simuka, ukwire Bheteri, undogara ikoko; uitire Mwari aritari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yoku­tiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako."

2 Ipapo Jakobho akati kumhuri yake, navose vakanga vanaye, "Bvisai vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu, zvinatsei, mufuke dzimwe nguvo;

3 tisi­muke, tikwire Bheteri; ipapo ndichaitira Mwari aritari, iye akanga aneni panzira yandakanga ndichifamba nayo."

4 Ivo vakapa Jakobho vamwari vose vedzimwe ndudzi vakanga vari pamaoko avo, nezvi­ndori zvakanga zviri panzeve dzavo; Jakobho akazvicherera pasi pomuti wo­muouki wakanga uri paShekemu.

5 Vakapfuura norwendo rwavo, ma­guta akanga akavakomba akatya Mwari kwazvo, vakasateverera vanakomana vaJakobho.

6 Jakobho akasvika Ruzi, guta riri panyika yeKenani (rimwe zita ndiBheteri), iye navanhu vose vaakanga anavo.

7 Akavakapo aritari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribheteri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomu­kuru wake.

8 Debhora, mureri waRa­bheka, akafa, akavigwa zasi kweBheteri munyasi momuouki; zita rapo rikanzi Aronibhakuti.

9 Ipapo Mwari akazviratidzazve kuna Jakobho pakubva kwake Padhanaramu, akamuropafadza.

10 Mwari akati kwaari, "Zita rako ndiJakobho, zita rako haricha­zonzi Jakobho, asi zita rako richanzi Isiraeri;" akamutumidza zita rinonzi Isi­raeri.

11 Zvino Mwari akati kwaari, "Ndini Mwari Wamasimbaose; bereka vana, uwa­nde; rudzi neboka rendudzi zvichabuda kwauri, namadzishe achabuda pachiuno chako;

12 nyika yandakapa Abhurahamu naIsaka, ndichakupa iyoyo; vana vako vanokutevera ndichavapa nyika iyoyo."

13 Mwari akakwira, akabva kwaari, ipapo paakanga achitaura naye.

14 Jakobho aka­misa shongwe ipapo paakanga ataura naye, shongwe yebwe; akadurura pamu­soro payo chipiriso chinodururwa, akadi­rawo mafuta pamusoro payo.

15 Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo, pakanga pa­taura Mwari naye, zita rinonzi Bheteri.

16 Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chi­nhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Rakeri akazvara, akatambudzika pakupona kwake.

17 Akati achitambudzika pakupona kwake, mbuya vakati kwaari, "Usatya hako, nokuti zvino uchava nomu­mwe mwanakomanazve."

18 Zvino mweya wake wakati uchibuda (nokuti wakafa), akamutumidza Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.

19 Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBhetere­hemu).

20 Jakobho akamisa shongwe pa­musoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRakeri kusvikira zuva ranhasi.

21 Isiraeri akafamba, akapfuurira mberi, akadzika tende rake neseri kweshongwe yeEdheri.

22 Zvino Isiraeri agere munyika iyoyo, Rubheni akandovata naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri akazvinzwa. Zvino vanakomana vaJakobho vaiva gumi navaviri;

23 vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakobho, naSimiyoni, naRevhi, naJudha, nalsakari, naZebhu­roni;

24 vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini;

25 vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRakeri: Dhani naNafu­tari;

26 vanakomana vaZiripa, muranda­kadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakobho, vaakazvarirwa paPadhanaramu.

27 Jakobho akasvika kuna Isaka, baba vake paMamure, paKi­riyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni), paigara Abhurahamu naIsaka vari vato­rwa.

28 Mazuva aIsaka akanga ari makore ane zana namakumi masere.

29 Mweya waIsaka ukabuda, akafa, akasanganiswa navanhu vake, akwegura, ava namazuva mazhinji; Esau naJakobho, vanakomana vake, vakamuviga.

36

1 Ndiwo marudzi aEsau (rimwe zita ndiEdhomu):

2 Esau akawana vakadzi vake kuvakunda veKenani, vaiti: Adha, mukunda waEroni, muHeti, naHoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, muHivhi;

3 naBhasimati, mukunda waIshimaeri, hanzvadzi yaNe­bhayoti.

4 Adha akabereka Esau Erifazi; Bhasimati akabereka Rueri;

5 Ohori­bhama akabereka Jeushi, naJarami, naKora; ndivo vanakomana vaEsau, vaaka­berekerwa panyika yeKenani.

6 Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nefuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure no­munun’una wake Jakobho.

7 Nokuti fuma yavo yakanga yawanda, naizvozvo vaka­nga vasingagoni kugara panzvimbo imwe; nyika youtorwa hwavo yakanga isingavaringani nokuda kwezvipfuwo zvavo.

8 Esau akandogara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu.

9 Marudzi aEsau, baba vavaEdhomu, kugomo reSeiri, ndiwo:

10 Mazita avana­komana vaEsau ndiwo: Erifazi, mwana­komana waAdha, mukadzi waEsau, naRueri, mwanakomana waBhasimati, mukadzi waEsau.

11 Vanakomana vaEri­fazi vaiva Temani, naOmari, naZefo, naGatamu, naKenazi.

12 Timuna akanga ari murongo waErifazi, mwanakomana waEsau; iye akaberekera Erifazi Ama­reki; ndivo vanakomana vaAdha, muka­dzi waEsau.

13 Vanakomana vaRueri ndivo: Nahati, naZera, naShama naMiza; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau.

14 Vanakomana vaOhoribhama, mu­kunda waAna, mukunda waZibhioni, mu­kadzi waEsau, ndivo: iye akaberekera Esau Jeushi, naJarami, naKora.

15 Ava ndivo madzishe pakati pavana vaEsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau: Ishe Temani, nashe Omari, nashe Zefo, nashe Kenazi,

16 nashe Kora, nashe Gatamu, nashe Amareki; ndiwo madzishe okwaErifazi munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaAdha.

17 Ava ndivo vanakomana vaRueri, mwanakomana waEsau: Ishe Nahati, na­she Zera, nashe Shama, nashe Miza; ndiwo madzishe okwaRueri munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaBhasi­mati, mukadzi waEsau.

18 Ava ndivo vanakomana vaOhori­bhama, mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, nashe Jarami, nashe Kora; ndiwo madzi­she okwaOhoribhama, mukunda waAna, mukadzi waEsau.

19 Ndivo vanakomana vaEsau, ndiwo madzishe avo. Ndiye Edhomu.

20 Ndivo vanakomana vaSeiri, muHori, vaigara panyika iyo: Rotani, naSho­bharu, naZibhioni, naAna,

21 naDhishoni, naEzeri, naDhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, vanakomana vaSeiri munyika yeEdhomu.

22 Vanakomana vaRotani, vaiva Hori, naHemani; hanzvadzi yaRotani aiva Timuna.

23 Ava ndivo vanakomana vaSho­bharu: Avhani, naManahati, naEbhari, naShefo, naOnamu.

24 Ava ndivo vanakomana vaZi­bhioni: Aja, naAna; ndiye Ana akawana matsime emvura inopisa kusango, achifu­dza mbongoro dzaZibhioni, baba vake.

25 Ava ndivo vanakomana vaAna: Dhi­shoni, naOhoribhama, mukunda waAna.

26 Ava ndivo vanakomana vaDhishoni: Hemudhani, naEshibhani, naIturani, naKerani.

27 Ava ndivo vanakomana vaEzeri: Bhirihani, naZaavhani, naAkani.

28 Ava ndivo vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.

29 Ava ndiwo madzishe okuvaHori: Ishe Rotani, nashe Shobharu, nashe Zi­bhioni, nashe Ana,

30 nashe Dhishoni, nashe Ezeri, nashe Dhishani; ndiwo ma­dzishe okuvaHori, namarudzi avo mu­nyika yeSeiri.

31 Ava ndivo madzimambo akabata ushe munyika yeEdhomu, vana vaIsiraeri vachigere kuva namadzimambo:

32 Bhera, mwanakomana waBheori, akabata ushe paEdhomu; zita reguta rake rainzi Dhinihabha.

33 Akafa, Jobhabhu, mwanakomana waZera weBhozara akabata ushe pachigaro chake.

34 Jobhabhu akafa, Hushamu wenyika yavaTemani akabata ushe pachigaro chake.

35 Hushamu akafa, Hadhadhi, mwanakomana waBhedhadhi, uya akauraya Midhiani kusango reMoabhu, akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Avhiti.

36 Hadhadhi akafa, Samura weMasereka akabata ushe pachigaro chake.

37 Samura akafa, Shauri weRehobhoti paRwizi akabata ushe pachigaro chake.

38 Shauri akafa, Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori akabata ushe pachigaro chake.

39 Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori, akafa, Hadhari akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Pau; zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri, mukunda waMatiredhi, mukunda waMehazahadhi.

40 Aya ndiwo mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, namazita avo; Ishe Timuna, nashe Arivha, nashe Jeteti;

41 nashe Ohori­bhama, nashe Era, nashe Pinoni;

42 na­she Kenazi, nashe Temani, nashe Mi­bhizari;

43 nashe Magidhieri, nashe Iramu; ndiwo madzishe aEdhomu, pa­vakagara munyika yakanga iri yavo. Ndiye Esau, baba vaEdhomu.

37

1 Zvino Jakobho akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKenani.

2 Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namano­mwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri muko­mana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vaka­dzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.

3 Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; aka­muitira nguvo yakanga yakareba ina maoko.

4 Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.

5 Zvino Josefa akarota hope, akau­dza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga.

6 Akati kwavari, "Inzwaiwo hope dzangu dzandarota.

7 Tarirai, taka­nga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikara­mba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pa­mberi pechisote changu."

8 Vakoma vake vakati kwaari, "Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kanhi? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kanhi?" Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake.

9 Akapamha kurotazve, akaudza va­koma vake, akati, "Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichi­kotamira pamberi pangu."

10 Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, "Kurota kwako uku kwa­warota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?"

11 Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakache­ngeta shoko iro.

12 Zvino vakoma vake vakandofudza makwai ababa vavo paShekemu.

13 Isiraeri akati kuna Josefa, "Vakoma vako havafudzi makwai paShe­kemu here? Uya ndikutumire kwavari." Iye akati, "Ndiri pano hangu."

14 Akati kwaari, "Zvino chienda undo­tarira kana vakoma vako vakafara, nama­kwai kana akafarawo; ugodzoka kuzondiu­dza." Naizvozvo akamutuma, ari pamupata weHebhuroni, akandosvika Shekemu.

15 Zvino mumwe murume akamuwana achidzungaira musango; murume akamu­bvunza, akati, "Unotsvakeiko?"

16 Iye akati, "Ndinotsvaka vakoma vangu; dondiudza hako kwavanofudza makwai. "

17 Murume akati, "Vabva pano, no­kuti ndakavanzwa vachiti, `Ngatiende Dhotani.' " Josefa akatevera vakoma vake, akandovawana paDhotani.

18 Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye.

19 Vakataurirana, vachiti, "Hoyo muroti uya wauya.

20 Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ra­makomba aya, tigoti, `Wadyiwa nechi­kara;' tigoona kuti kurota kwake kucha­zoitwa seiko."

21 Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, "Ngatirege kumuu­raya."

22 Rubheni akati kwavari, "Musa­durura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari;" kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake.

23 Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguvo yake, nguvo iya yakanga yakareba ina maoko, yaaka­nga akafuka;

24 vakamutora, vakamuka­ndira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura.

25 Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriyadhi, makamera avo akata­kura zvinhu zvinonhuwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti.

26 Zvino Judha akati kuvana vababa vake, "Tinga­waneiko kana tikauraya munun’una wedu tichivanza ropa rake?

27 Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nokuti munun' una wedu, nyama imwe nesu." Vana vababa vake vakamuteerera.

28 Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachi­mubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Ijipiti.

29 Zvino Rubheni akadzokera kugo­mba, akawana Josefa asisimo mugomba; akabvarura nguvo dzake.

30 Akadzokera kuvanun’una vake, akati, "Mwana haa­chipo; ini zvino ndichaendepiko?"

31 Zvino vakatora nguvo yaJosefa, va­kauraya nhongo yembudzi, vakanyika nguvo muropa;

32 vakatumira nguvo iyo yakareba ina mavoko kuna baba vavo, vakati, "Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguvo yomwanako­mana wenyu, kana isati iri iyo."

33 Ivo vakafananidza vakati, "Inguvo yomwanakomana wangu; wadyiwa ne­chikara; Josefa zvirokwazvo wapara­dzwa."

34 Jakobho akabvarura nguvo dzake, akasimira madhumbu pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.

35 Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyara­dzwa, akati, "Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema." Baba vake vakamuwungudzira.

36 Zvino vaMidhiani vakandomute­ngesa Ijipiti kuna Potifari, muranda waFarao, mukuru wavarindi.

38

1 Nenguva iyoyo Judha akabva kuvana vababa vake, akaburuka, akatsaukira kuno mumwe murume muAdhuramu, ainzi Hira.

2 Judha akaonapo mukunda womumwe munhu muKenani, ainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.

3 Iye akava nemimba, akabereka mwana­komana, akamutumidza zita rinonzi Eri.

4 Akava nemimbazve, akabereka mwana­komana, akamutumidza zita rinonzi Onani.

5 Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rino­nzi Shera; iye akanga ari paKezibhi mukadzi wake achimubereka.

6 Zvino Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi ainzi Tamari.

7 Asi dangwe raJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha; Jehovha akamuuraya.

8 Zvino Judha akati kuna Onani, "Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munun’una womurume, umutsire mukoma wako vana."

9 Zvino Onani akaziva kuti vana avo havangavi vake; naizvozvo wakati kana opinda kumukadzi womu­koma wake, orasira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake vana.

10 Chi­nhu ichi chaakaita chakanga chakaipa pamberi paJehovha; akamuuraya nai­yewo.

11 Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, "Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura;" nokuti akati, "Zvimwe angafa savakoma vake." Tamari aka­ndogara kumba kwababa vake.

12 Mazuva mazhinji akati apfuura, mukunda waShua, mukadzi waJudha, akafa; zvino Judha akati anyaradzwa, akakwira kuvaveuri vamakwai ake paTi­muna, iye naHira, shamwari yake muAdhuramu.

13 Tamari akaudzwa, zvichinzi, "Tarira baba vomurume wako vanokwira Timuna kundoveura makwai avo";

14 ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nokuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.

15 Zvino Judha akati achimuona, akati chifeve, nokuti akanga afukidza chiso chake.

16 Akatsaukira kwaari panzira, akati, "Douya, ndipinde kwauri;" nokuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwa­nakomana wake. Iye akati, "Unogondi­peiko, kuti upinde kwandiri?"

17 Akati, "Ndichakutumira mbu­dzana inobva kuzvipfuwo zvangu." Akati, "Uchandipa rubatso kusvikira wai­tuma here?"

18 Akati, "Ndichagokupa rubatso rweiko?" Iye akati, "Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako." Akamupa izvozvo, aka­pinda kwaari, akava nemimba naye.

19 Akasimuka, akaenda, akabvisa choku­fukidzira chake, akafuka nguvo dzouchiri­kadzi hwake.

20 Zvino Judha akatuma mbudzana noruoko rweshamwari yake, muAdhuramu, kuti atore rubatso paruoko rwomukadzi, asi haana kumuwana.

21 Akabvunza vanhu vokwake, achiti, "Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira?" Vakati, "Kwakanga kusina chifeve pano."

22 Akadzokera kuna Judha, akati, "Handina kumuwana; navanhu voko va­kati, `Kwakanga kusina chifeve pano.' "

23 Ipapo Judha akati, "Ngaazvitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamu­wana. "

24 Zvino mwedzi inenge mitatu ya­kati yapfuura, Judha akaudzwa, zvichi­nzi, "Tamari, mukadzi womwanakomana wako, akaita upombwe; wava nemimba noupombwe hwake." Judha akati, "Uyai naye, apiswe."

25 Zvino vakati vachiuya naye, aka­tuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, "Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, `Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwo­nzi, netsvimbo.' "

26 Judha akazviziva, akati, "Iye wakarurama kukunda ini, nokuti handina kumupa Shera, mwanako­mana wangu." Haana kuzomuzivazve.

27 Zvino nenguva yokubereka kwake vana vaviri vakanga vari mudumbu rake.

28 Zvino akati achibereka, mumwe akabu­disa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, "Uyu atanga kubuda."

29 Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munu­n’una wake akabuda; ivo vakati, "Wazvi­pasanurira seiko?" Naizvozvo akamutu­midza zita rinonzi Perezi.

30 Pashure mukoma wake akabuda, akanga aine rwodzi rutsvuku paruoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.

39

1 Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mu­kuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamu­burutsira Ijipiti.

2 Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; aka­gara mumba matenzi wake muljipiti.

3 Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake.

4 Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pa­maoko ake.

5 Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafa­dza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.

6 Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvo­kudya zvake zvoga zvaaidya. Zvino Josefa akanga anomuviri waka­naka, akanakawo pachiso.

7 Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake aka­tarira Josefa, akati, "Vata neni."

8 Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, "Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu;

9 hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndi­ngaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?"

10 Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye,

11 ne­nguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe va­rume veimba imomo.

12 Ipapo akamubata nguvo yake, akati, "Vata neni;" iye aka­siya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze.

13 Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda,

14 akadana varume veimba yake, akataura navo akati, "Tarirai, iye akauyisa muHe­bheru pakati pedu kuti atidadire; akapi­nda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru.

15 Zvino akati achi­nzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze."

16 Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba.

17 Akataura kwaari mashoko iwayo akati, "Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire.

18 Ndi­kadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze."

19 Tenzi wake akati achinzwa ma­shoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, "Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako," hasha dzake dzikamuka.

20 Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza muto­rongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo.

21 Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo.

22 Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasu­ngwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo.

23 Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.

40

1 Shure kwaizvozvo mudiri wama­mbo weIjipiti nomubiki wake va­katadzira tenzi wavo, mambo weljipiti.

2 Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.

3 Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa.

4 Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachiche­ngetwa.

5 Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe ku­rota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomu­biki vamambo weIjipiti, vakanga vaka­sungwa mutorongo.

6 Zvino fume ma­ngwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari.

7 Aka­bvunza varanda vaFarao vakanga va­chengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, "Nhasi makasuwa neiko?"

8 Vakati kwaari, "Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira." Josefa akati kwavari, "Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai he­nyu."

9 Zvino mukuru wavadiri akaronde­dzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, "Pakurota kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuza­mbiringa pakanga pana matavi matatu;

10 ukaita sokutumbuka, ukabudisa ma­ruva; masumbu awo akabereka maza­mbiringa akaibva;

11 mukombe waFarao wakanga uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa muko­mbe muruoko rwaFarao."

12 Josefa akati kwaari, "Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu;

13 mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, noku­kudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.

14 Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire ngoni, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino;

15 nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa ku­nyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri."

16 Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, "Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwa­ngu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wa­ngu;

17 mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabi­kwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswa­nda yaiva pamusoro wangu."

18 Ipapo Josefa akapindura, akati, "Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu;

19 mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusu­ngirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri."

20 Zvino nomusi wetatu, musi woku­zvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womu­kuru wavabiki pakati pavaranda vake,

21 akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;

22 asi akasu­ngirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.

23 Asi mukuru wa­vadiri haana kurangarira Josefa, asi aka­mukanganwa.

41

1 Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi.

2 Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe.

3 Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamhenderekedzo yorwizi.

4 Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka.

5 Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka,

6 akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.

7 Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.

8 Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana n’anga dzose dzeIjipiti navakachenjera vose voko; Fa­rao akavaudza kurota kwake; asi kwaka­nga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao.

9 Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, "Nhasi ndinorangarira kuta­dza kwangu;

10 Farao akanga akatsa­mwira varanda vake, mukandisunga, ndi­kachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki;

11 ti­karota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo.

12 Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda wo­mukuru wavarindi; tikamuudza, iye aka­tidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota.

13 Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa."

14 Ipapo Farao akatuma munhu ku­ndodana Josefa, akakurumidza kumubu­disa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguvo; akapinda kuna Farao.

15 Farao akati kuna Josefa, "Ndarota hope, asi hakuna munhu ano­gona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira. "

16 Josefa akapindura Farao, akati, "Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare."

17 Farao akarondedzera kuna Josefa akati, "Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamhenderekedzo yorwizi;

18 ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzaka­naka; dzikafura pakati penhokwe;

19 ndi­kaonazve dzimwe mhou nomwe dzichi­kwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeIjipiti.

20 Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga;

21 dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka.

22 Ndi­kaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka;

23 ndikaonazve dzi­mwe hura nomwe, dzakaoma, dzakate­tepa, dzakapiswa nemhepo yokumabva­zuva, dzichibuda shure kwadzo.

24 Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza n’anga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo."

25 Ipapo Josefa akati kuna Farao, "Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazi­visa Farao.

26 Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dza­kanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe.

27 Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dza­kaputa, dzakapiswa nemhepo yokuma­bvazuva, achava makore manomwe enzara.

28 Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndi­zvo zvaakaratidza Farao.

29 Tarirai, ku­nouya makore manomwe amaguta kwa­zvo panyika yose yeIjipiti;

30 shure kwaiwayo kuchatevera makore mano­mwe enzara; ipapo maguta ose achaka­nganikwa panyika yeIjipiti; nzara ichape­dza nyika;

31 maguta haangazozikanwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozo­tevera, nokuti ichanyanya kwazvo.

32 Ku­rota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nokuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza ku­zviita.

33 "Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeljipiti.

34 Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIji­piti pamakore manomwe emaguta.

35 Ngaaunganidze zvokudya zvose zva­makore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvoku­dya mumaguta; vazvichengete.

36 Zvoku­dya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeIjipiti, kuti nyika irege kupa­radzwa nenzara."

37 Chinhu ichi chaka­nga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose.

38 Farao akati kuvaranda vake, "Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?"

39 Farao akati kuna Josefa, "Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe;

40 ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri."

41 Zvino Farao akati kuna Josefa, "Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose."

42 Farao akabvisa chimhete chake pa­ruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJo­sefa, akamufukidza nguvo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake;

43 akamufa­mbisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, "Pfugamai!" Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti.

44 Farao akati kuna Josefa, "Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti."

45 Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, muku­nda waPotifari, mupirisiti weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti.

46 Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, ma­mbo weIjipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, aka­famba, akapota nenyika yose yeIjipiti.

47 Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, nama­kore manomwe amaguta.

48 Akaungani­dza zvokudya zvose zvamakore mano­mwe, akanga aripo panyika yeljipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo.

49 Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regu­ngwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisinga­goni kuverengwa.

50 Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni.

51 Josefa akatu­midza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, "Nokuti Mwari akandikanganwisa kutambudzika kwangu kwose neimba ya­baba vangu yose."

52 Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, "Nokuti Mwari akandiberekesa vana panyika yo­kutambudzika kwangu."

53 Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeIjipiti, akapera.

54 Makore manomwe enzara akatanga ku­svika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeIjipiti pakanga pane zvokudya.

55 Zvino vanhu vose veljipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, "Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri."

56 Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaIjipiti; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeIjipiti.

57 Vanhu venyika dzose vakaenda Ijipiti kuna Josefa kuzotenga zviyo; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.

42

1 Zvino Jakobho akaona kuti zviyo zvaiveko kuIjipiti, Jakobho akati kuvanakomana vake, "Munotari­rana neiko?"

2 Akati, "Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuIjipiti; burukiraiko, mu­ndotitengerako, tipone, tirege kufa."

3 Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi va­kaburuka kundotenga zviyo Ijipiti.

4 Asi Bhenjamini, munun’una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, "Zvimwe angawirwa nenjodzi."

5 Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, no­kuti nzara yakanga iripo panyika yeKe­nani.

6 Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, va­kamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi.

7 Josefa akaona vakoma vake, aka­vaziva, asi akaita saasingavazivi, aka­taura nehasha navo, akati kwavari, "Ma­bvepiko?" Ivo vakati, "Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya."

8 Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva.

9 Ipapo Josefa akara­ngarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, "Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yaka­shama papi."

10 Ivo vakati kwaari, "Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzote­nga zvokudya.

11 Tiri vanakomana vomu­nhu mumwe chete tose; tiri vanhu vaka­tendeka, varanda venyu havazi vashori";

12 iye akati kwavari, "Kwete, mauya ku­zoona nyika kuti yakashama papi."

13 Ivo vakati, "Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomu­nhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo."

14 Josefa akati kwavari, "Ndizvo zva­ndanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori;

15 hechi chinhu chamuchae­dzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamu­ngabudi pano kana munun’una wenyu wo­rugotwe asina kuuya pano.

16 Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun’una wenyu, asi imwi muchafanira kugara ma­kasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori."

17 Ipapo akavaisa pamwechete vose mutorongo, kuti vachengetwe ma­zuva matatu.

18 Josefa akati kwavari nezuva retatu, "Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari;

19 kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanun’una venyu ngaagare akasungwa mutorongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara.

20 Mugouya nomunu­n’una wenyu worugotwe kwandiri; nai­zvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa." Vakaita saizvozvo.

21 Va­kataurirana vachiti, "Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomunun’una wedu, no­kuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tika­ramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika."

22 Ipapo Rubheni akapindura, akati, "Handina kukuudzai here, ndichiti, `Re­gai kutadzira mwana,' mukaramba kundi­teerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa."

23 Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nokuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo.

24 Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; aka­dzokerazve kwavari, akataura navo, aka­tora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.

25 Josefa akaraira kuti mi­dziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa sai­zvozvo.

26 Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo zviyo zvavo, vakaenda.

27 Zvino mumwe wavo akati achisunungura ho­mwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.

28 Akati kuhama dzake, "Mari yangu yadzoswa; heyi iri muho­mwe yangu; ipapo vakaora moyo, va­katarirana, vachibvunda, vakati, `Chi­nyiko ichi chataitirwa naMwari?' "

29 Vakasvika kuna baba vavo pa­nyika yeKenani, vakavaudza zvose zva­kanga zvavawira;

30 vakati, "Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika.

31 Tikati kwaari, `Tiri vanhu vakate­ndeka, hatizi vashori;

32 tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mu­mwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKenani.' "

33 Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, "Hechi chinhu chandicha­ziva nacho kuti muri vakatendeka, `Si­yai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.'

34 Mugouyazve kwa­ndiri nomunun’una wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munun’una wenyu, mugote­nga panyika ino."

35 Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.

36 Zvino Jakobho akati kwavari, "Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haa­chipo, zvino moda kutora naBhenjami­niwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira."

37 Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, "Mungauraya henyu vanako­mana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mu­maoko angu, ini ndichauya nayezve kwa­muri."

38 Vakati, "Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wakafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamuno­famba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema."

43

1 Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo.

2 Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Ijipiti, baba vavo vakati kwavari, "Dzo­kai, endaizve mutitengere zvokudya zvi­shoma."

3 Judha akataura navo, akati, "Mu­rume uya akatinyevera kwazvo, akati, `Hamungatongooni chiso changu, kana munun’una wenyu asati anemi.'

4 Kana mukatuma munun’una wedu nesu, tichabu­ruka, kundotenga zvokudya;

5 asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, `Hamungaoni chiso changu, kana munun’una wenyu asati anemi.' "

6 Isiraeri akati, "Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza mu­rume uya kuti munomunun’una?"

7 Ivo vakati, "Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, `Baba venyu vapenyu here? Mune munun’una here?' " Tikamu­pindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, "Burukai nomunun’una we­nyu?"

8 Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, "Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu.

9 Ini ndi­chava rubatso rwake; mungamureva pa­ruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi.

10 No­kuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri."

11 Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, "Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mu­midziyo yenyu, muburuke nechipo kumu­nhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaama­nda;

12 mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga ya­dzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvi­mwe vakakanganisa.

13 Nomunun’una wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumu­rume uyo;

14 Mwari waMasimbaose ngaa­kupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munun’una wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu."

15 Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vaka­ndomira pamberi paJosefa.

16 Zvino Jo­sefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, "Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; no­kuti varume ava vachadya neni masi­kati."

17 Murume uyo akaita sezvaakau­dzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa.

18 Varume vakatya, zvavakaiswa mu­mba maJosefa, vakati, "Tinoiswamo no­kuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita va­randa vake, achitorawo mbongoro dzedu."

19 Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamu­suo weimba;

20 vakati, "Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya;

21 tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunu­ngura homwe dzedu, onei mari yomu­mwe nomumwe iri mumuromo weho­mwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pa­maoko edu.

22 Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvo­kudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?"

23 Iye akati, "Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri." Akavabudi­sira Simioni.

24 Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vaka­shambidza tsoka dzavo, akapawo mbo­ngoro dzavo zvokudya.

25 Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masi­kati, nokuti vakanga vanzwa kuti vacha­dya zvokudya ipapo.

26 Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba ne­chipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake.

27 Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, "Baba venyu vakafara here, uya mutana wamai­reva? Vachiri vapenyu here?"

28 Ivo vakati, "Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu." Vakakotama, vakanamata.

29 Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munun’una wake, mwanako­mana wamai vake, akati, "Ndiye here munun’una wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza?" Akati, "Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu."

30 Zvino Josefa akakurumidza, nokuti moyo wake wakachema munun’una wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo.

31 Akazoshambidza chiso chake, akabu­dazve, akazvidzora akati, "Pakurai zvo­kudya."

32 Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaIjipiti havana kutende­rwa kudya navaHebheru, nokuti zvino­nyangadza kuna vaIjipiti.

33 Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashami­swa.

34 Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhe­njamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakanwa, vakafara naye.

44

1 Zvino akaraira mutariri weimba yake, achiti, "Zadza homwe dzavarume nezvokudya, sezvavanogona ku­takura, uisewo mari yomumwe nomu­mwe pamuromo wehomwe yake.

2 No­mukombe wangu, mukombe wesirivha, uuise pamuromo wehomwe yomuduku, pamwechete nemari yezviyo zvake." Iye akaita sezvaakaudzwa naJosefa.

3 Zvino fume mangwana kwoedza varume vaka­tenderwa kuenda, ivo nembongoro dzavo.

4 Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa akaudza mutariri wake, akati, "Simuka, tevera varume; kana wavabata, uti kwavari, `Matsindiki­reiko zvamaitirwa zvakanaka?'

5 Ko ha­chizi chinhu chinonwira ishe wangu, chaanoshopera nacho here? Chinhu ichi chamaita chakaipa. "

6 Akandovabata, akataura mashoko iwayo kwavari.

7 Vakati kwaari, "Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Haisva, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.

8 Tarirai, mari yatakawana pa­miromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKe­nani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?

9 Ani naani wa­varanda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesu tichava vasungwa vashe wedu. "

10 Iye akati, "Ndizvo hazvo, nga­zvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemho­sva."

11 Ipapo vakakurumidza mumwe nomumwe kuburutsira homwe yake pasi, mumwe nomumwe akasunungura homwe yake.

12 Iye akatsvaka, akatanga kumu­kuru, akaguma kumuduku; mukombe ukawanikwa muhomwe yaBhenjamini.

13 Ipapo vakabvarura nguvo dzavo, mu­mwe nomumwe akatakudza mbongoro yake, akadzokera kuguta.

14 Judha navana vababa vake vaka­dzokera kuimba yaJosefa, iye achirimo, vakawira pasi pamberi pake.

15 Zvino Josefa akati kwavari, "Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?"

16 Judha akati, "Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipe­mbedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe."

17 Iye akati, "Haisva, handingaiti sai­zvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musu­ngwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu."

18 Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, "Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwe­nyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imwi makaenzana naFarao.

19 Ishe wangu akabvunza varanda vake, achiti, `Muna baba here, kana munun’una?'

20 Isu tikati kuna ishe wedu, `Tina baba vava­mutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.'

21 imwi mu­kati kuvaranda venyu, `Burukai naye kwandiri, ndimuone nameso angu.'

22 Isu tikati kuna ishe wedu, `Mukomana haa­ngasiyi baba vake, nokuti kana akasiya baba vake, baba vake vangafa.'

23 Zvino makati kuvaranda venyu, `Kana munu­n’una wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.'

24 Zvino takati takwira kumuranda we­nyu, baba vedu, tikavaudza mashoko ashe wedu.

25 Baba vedu vakati, `Endai­zve, mutitengere zvokudya zvishoma­nana.'

26 Isu tikati, `Hatingaburuki, kana munun’una wedu asingaburuki nesu; nokuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munun’una wedu asinesu.'

27 Muranda wenyu, baba vedu, vakati kwatiri, `Mu­noziva kuti mukadzi wangu akandibere­kera vanakomana vaviri;

28 mumwe aka­bva kwandiri,' ndikati, `Zvirokwazvo akabvamburwa; kubva musi iwoyo ha­ndina kuzomuonazve;

29 kana mukandi­torera nouyuwo, akawirwa nenjodzi, mu­chaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.'

30 Naizvozvo, kana zvino ndikandosvika kumuranda wenyu, baba vangu, tisinaiye mukomana, mweya wavo zvawakabatanidzwa nomweya wo­mukomana,

31 vachati kana vachiona kuti mukomana asinesu, vachafa; naizvozvo varanda venyu vachaburutsira vhudzi jena romuranda wenyu, baba vedu, ku­hwiro nokuchema.

32 Nokuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, `Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava ne­mhosva kuna baba vangu nokusinga­peri.'

33 Naizvozvo zvino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musungwa washe wangu pachigaro chomukomana, asi mukomana akwire hake navana vababa vake.

34 Nokuti ndinga­kwira seiko kuna baba vangu, ndisina mukomana? Ndirege hangu kuona njodzi ichawira baba vangu."

45

1 Zvino Josefa haana kugona ku­zvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, "Budisai vanhu vose vari pano neni." Zvino kwa­kanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.

2 Aka­chema kwazvo, valjipiti naveimba yaFa­rao vakazvinzwawo.

3 Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, "Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?" Vana va­baba vake vakasagona kumupindura, no­kuti vakanga vachitya pamberi pake.

4 Josefa akati kuvana vababa vake, "Do­swederai henyu kwandiri." Zvino vaka­swedera. lye akati, "Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti.

5 Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.

6 Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.

7 Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vacha­sara panyika, ndikuraramisei kuti musu­nungurwe nokusunungurwa kukuru.

8 Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati we­nyika yose yeljipiti.

9 Kurumidzai, mu­kwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, `Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weljipiti rose; buru­kirai kwandiri musanonoka;

10 mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dze­nyu, nezvose zvamunazvo;

11 ndichaku­chengetaipo, nokuti mamwe makore ma­shanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.'

12 Tarirai meso enyu anoona, nameso omunun’una wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.

13 Mundoudza baba vangu ku­kudzwa kwangu kwose paljipiti, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno."

14 Akawira pamutsipa waBhenja­mini, munun’una wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.

15 Akatsvoda vakoma vake vose, aka­chema pamusoro pavo; shure kwaizvo­zvo vakoma vake vakataura naye.

16 Zvino mukurumbira wazvo waka­nzwika mumba maFarao, zvichinzi, "Vana vababa vaJosefa vasvika!" Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.

17 Farao akati kuna Josefa, "Iti kuvana vababa vako, `Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende ku­nyika yeKenani;

18 mundotora baba ve­nyu navedzimba dzenyu muuye kwa­ndiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeIjipiti, mudye zvakakora zve­nyika.'

19 Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye.

20 Musafunga nhu­mbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zve­nyika yose yeIjipiti ndezvenyu."

21 Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaa­karairwa naFarao, akavapa mbuva yoku­famba nayo.

22 Akapa vose, mumwe no­mumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.

23 Nababa vake akavatumira mbo­ngoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namaka­dzi embongoro ane gumi akanga akata­kura zviyo, nechingwa, nezvokudya zva­baba vake zvorwendo.

24 Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, "Chenjerai, mu­satukana munzira."

25 Ipapo vakabva Ijipiti, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKenani kuna Jakobho, baba vavo.

26 Vakavaudza, va­kati, "Josefa achiri mupenyu; ndiye mu­bati wenyika yose yeIjipiti." Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nokuti ha­vana kutenda.

27 Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dza­tumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakobho, baba vavo, ukaponazve;

28 Isiraeri akati, "Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa. "

46

1 Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.

2 Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, "Jakobho ! Jakobho ! " Iye akati, "Ndiri pano hangu."

3 Akati, "Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Ijipiti; nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;

4 ndichaburukira Ijipiti newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako."

5 Jakobho akasimuka, akabva Bheeri­shebha; vanakomana vaIsiraeri vakata­kura Jakobho baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzaka­nga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure.

6 Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKenani, vakasvika Ijipiti, Jakobho nava­nakomana vake vose pamwechete naye;

7 vanakomana vake, navana vavanako­mana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Ijipiti.

8 Ndiwo mazita avana vaIsiraeri va­kasvika Ijipiti: Jakobho, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJako­bho.

9 Navanakomana vaRubheni: Ha­noki, naParu, naHezironi, Karami.

10 Na­vanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womu­kadzi weKenani.

11 Navanakomana vaRe­vhi: Gerishoni, naKohati, naMerari.

12 Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKenani. Vanako­mana vaPerezi vaiva Hezironi, naHa­mori.

13 Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni.

14 Nava­nakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri.

15 Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakobho paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.

16 Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri.

17 Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; nava­nakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri.

18 Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakobho vanhu ava vane gumi navatanhatu.

19 Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakobho, vaiva Josefa naBhenjamini.

20 Josefa akaberekerwa Manase naEfu­remu panyika yeljipiti, ndivo vaakabere­kerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni.

21 Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshi­bheri naGera, naNaamani, naEhi, naRo­shi, naMupimi, naHupimi, naAdhi.

22 Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakobho; vose vaiva vane gumi navana.

23 Navanakomana vaDhani: Hu­shimi.

24 Navanakomana vaNafutari: Ja­zeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.

25 Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vano­mwe.

26 Zvino vanhu vose vakauya naJa­kobho Ijipiti, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakobho vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu.

27 Vana­komana vaJosefa vaakanga aberekerwa Ijipiti vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakobho vakauya Ijipiti, vaiva vanhu vana makumi manomwe.

28 Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoe­nda Gosheni.

29 Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosa­ngana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, aka­chema pamutsipa wavo nguva huru.

30 Isiraeri akati kuna Josefa, "Zvino nga­ndichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu."

31 Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, "Ini ndicha­kwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, `Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, va­svika kwandiri';

32 varume ava vafudzi, nokuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya nama­kwai avo, nemombe dzavo, nezvose zva­vanazvo.

33 Zvino kana modanwa naFa­rao, akati, `Basa renyu nderei?'

34 Muti, `Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu;' kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti."

47

1 Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, "Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni."

2 Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.

3 Farao akati kuvakoma vake, "Basa renyu nde­reiko?" Vakati kuna Farao, "Varanda venyu vafudzi, isu namadzibaba edu tose."

4 Vakati kuna Farao, "Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nokuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nokuti kune nzara kunyika yeKenani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni."

5 Ipapo Farao aka­taura naJosefa, akati, "Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;

6 nyika yeIji­piti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo ya­kaisvonaka panyika ino, ngavagare pa­nyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu."

7 Josefa akapinda naJakobho, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakobho akaropafadza Farao.

8 Farao akati kuna Jakobho, "Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?"

9 Jakobho akati kuna Farao, "Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo."

10 Jakobho akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.

11 Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeIjipiti, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRa­mesesi, sezvaakarairwa naFarao.

12 Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, aka­vapa zvokudya achiverenga navana va­vowo.

13 Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzikaziya nenzara.

14 Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeIjipiti, napanyika yeKenani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.

15 Mari yose yakati yapera mu­nyika yeljipiti, napanyika yeKenani, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefa, vakati, "Tipei zvokudya, nokuti tingafa seiko pamberi penyu? Nokuti mari yapera."

16 Josefa akati, "Uyai nemombe dze­nyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvi­pfuwo zvenyu, kana mari yapera."

17 Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachi­tsinhanha namabhiza, namakwai, nemo­mbe, nembongoro; akavararamisa nezvo­kudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.

18 Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, "Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;

19 zvino tingafa seiko pamberi pe­nyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.'

20 Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeIjipiti, nokuti vaIjipiti vaka­tengesa mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.

21 Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva ku­muganhu mumwe weIjipiti kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.

22 Asi nyika yavapirisiti yoga haana kuitenga, nokuti vapirisiti vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:

23 Zvino Josefa akati kuvanhu, "Tarirai, ndakate­ngera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudyare panyika.

24 Ne­nguva yokukohwa munofanira kupa Fa­rao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zve­nyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvo­kudya zvepwere dzenyu."

25 Ivo vakati, "Ndimwi makatiche­ngeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao."

26 Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapirisiti yoga haina kuva yaFa­rao.

27 Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwa­nira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.

28 Jakobho akagara panyika yeljipiti makore ane gumi namanomwe; naizvo­zvo mazuva aJakobho makore oupenyu hwake, akanga ari makore ane zana namakumi mana namanomwe.

29 Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga ya­swedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, "Kana nda­wana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nezvokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti;

30 asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paIjipiti, unondiviga mu­hwiro hwavo." Iye akati, "Ndichaita sezvamataura. "

31 Vakati, "Ndipikire;" iye akavapi­kira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamu­soro wouvato hwake.

48

1 Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa, zvichinzi, "Tarira, baba vako vanorwara;" iye akatora vanako­mana vake vaviri, Manase naEfuremu.

2 Jakobho akaudzwa, zvichinzi, "Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri." Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato.

3 Zvino Jakobho akati kuna Josefa, "Mwari Wamasimbaose akazviratidza paRuzi, panyika yeKenani, akandiropafadza,

4 akati kwandiri, `Ta­rira, ndichakuberekesa, ndichakuwanza, ndichakuita ndudzi zhinji; ndichapa vana vako vanokutevera nyika ino, ive yavo nokusingaperi.'

5 "Zvino vanakomana vako vaviri, vawakaberekerwa panyika yeIjipiti, ndi­sati ndasvika kwauri paljipiti, ndavangu; Efuremu naManase vachava vangu sa­vana Rubheni naSimiyoni.

6 Asi vana vako, vawakabereka shure kwavo, va­chava vana vako, vachatumidzwa nezita ravakuru vavo panhaka yavo.

7 Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, nda­kafirwa naRakeri panyika yeKenani mu­nzira ndasvika pedo neEfurata, ndika­muvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu)."

8 Isiraeri akaona vanakomana vaJo­sefa, akati, "Ndivananiko?"

9 Josefa akati kuna baba vake, "Ndivo vanakomana vangu vandakapiwa pano naMwari." Vakati, "Douya navo kwandiri ndivaropafadze."

10 Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere noku­kwegura, akanga asisagoni kuona. Aka­vaswededza kwavari, Isiraeri akavatsvoda, akavambundikira.

11 Isiraeri akati kuna Josefa, "Handina kufunga kuti ndichaona chiso chakozve, zvino tarira, Mwari aka­ndionesa navana vakowo."

12 Josefa aka­vabvisa pakati pamabvi avo akakotamira pasi nechiso chake.

13 Josefa akavabata vari vaviri, Efu­remu norudyi rwake kuruboshwe rwaIsi­raeri, naManase noruboshwe rwake kuru­dyi rwaIsiraeri, akavaswededza pedo naye.

14 lsiraeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi, akaruisa pamusoro paEfuremu, aiva muduku, noruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, aka­pesanisa maoko ake achizviziva, nokuti Manase akanga ari wedangwe.

15 Akaropafadza Josefa, akati, "Mwari uya, akafamba madzibaba angu pamberi pake, vana Abhurahamu naIsaka, Mwari akandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi;

16 mutumwa wakandidzikunura pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vanakomana ava; zita rangu ngaritumidzwe kwavari, namazita amadzibaba angu, Abhurahamu naIsaka, vawande kwazvo panyika."

17 Zvino Josefa akati achiona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufa­dza, akabata ruoko rwababa vake, kuti arubvise pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase.

18 Josefa akati kuna baba vake, "Regai kudaro, baba vangu, nokuti ndiye wedangwe, isai ruoko rwe­nyu pamusoro wake."

19 Baba vake vakaramba, vakati, "Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mu­kuruwo, asi munun’una wake achava mu­kuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji."

20 Akavaropafadza nomusi iwoyo, akati, "Newe vaIsiraeri vacharopafadza, vachiti, `Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.' " Akaisa Efuremu pamberi paManase.

21 Zvino Isiraeri akati kuna Josefa, "Tarira, ndofa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu.

22 Newe ndinokupa mugove mu­mwe kupfuura vamwe vana vababa vako, uya wandakatorera vaAmori nomunondo wangu nouta hwangu."

49

1 Zvino Jakobho akadana vanakomana vake, akati, "Unganai, ndi­kuudzei zvamuchaitirwa namazuva ano­tevera.

2 Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakobho, Teererai Isiraeri, baba venyu.

3 Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba;

4 Unotutuma semvura, haungavi noukuru; Nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukahusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu.

5 Simiyoni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba.

6 Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.

7 Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nokuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nokuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakobho, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri.

8 Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako.

9 Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?

10 Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye.

11 Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, Nomwana wembongoro yake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguvo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa.

12 Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka.

13 Zebhuroni uchagara pamhenderekedzo dzegungwa; iye achava mhenderekedzo panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni.

14 Isakari imbongoro ine simba, Inovata pasi, pakati pamatanga amakwai;

15 Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo.

16 Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi alsiraeri.

17 Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure.

18 Ndakamirira ruponeso rwenyu imwi Jehovha.

19 Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo.

20 Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe.

21 Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka.

22 Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro.

23 Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga;

24 asi uta hwake hwakaramba hune simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko oWamasimbaose waJakobho, (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri),

25 Mwari wababa vako achakubatsira; Wamasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro.

26 Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye akanga ari muchinda pakati pehama dzake.

27 Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba."

28 Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri alsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; va­karopafadza mumwe nomumwe nokuro­pafadzwa kwake.

29 Akavaraira, akati kwavari, "Ini ndobva ndosanganiswa na­vanhu vangu; mundondiviga kuna madzi­baba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti,

30 bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga;

31 ndipo pavaka­viga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mu­kadzi wake; ndipo pandakaviga Rea;

32 munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti."

33 Zvino Jakobho akati apedza kuraira vanako­mana vake, akadzosera tsoka dzake pau­vato, mweya wake ukabuda, akasangani­swa navanhu vake

50

1 Zvino Josefa akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamutsvoda.

2 Josefa akaraira varanda vake dzakanga dziri n’anga, kuti vasasike baba vake, n’anga dzikasasika Isiraeri.

3 Vakapedza mazuva makumi mana naye, nokuti ndiwo aiva mazuva okusasika; navaljipiti vakamu­chema mazuva makumi manomwe.

4 Zvino mazuva okuchema akati apera, Josefa akataura naveimba yaFarao, akati, "Zvino kana ndawana nyasha kwa­muri, dorevai munzeve dzaFarao, muti,

5 `Baba vangu vakandipikisa, vachiti tari­rai, ndofa, muhwiro hwandakazvicherera munyika yeKenani, ndimo maunofanira kundivigamo.' Naizvozvo zvino dondite­nderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka."

6 Farao akati, "Kwira, undoviga baba vako, sezvavakakupikisa."

7 Ipapo Josefa akakwira kundoviga baba vake, navaranda vose vaFarao va­kakwira naye, vakuru veimba yake, na­vakuru venyika yeIjipiti,

8 naveimba yose yaJosefa, navana vababa vake, naveimba yababa vake; asi pwere dzavo dzoga, namakwai avo, nemombe dzavo, vaka­zvisiya panyika yeGosheni,

9 ngoro nava­tasvi vamabhiza vakakwirawo naye, ri­kava boka guru-guru.

10 Vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJorodhani, vakamuchemapo nokuchema kukuru kwazvo; akachema baba vake mazuva manomwe.

11 Zvino vanhu vaigara panyika yeKenani vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, "Kuchema uku kukuru ndokwavaIjipiti;" naizvozvo nzvimbo iyoyo ikatumidzwa Abherimiziraimu, iri mhiri kwaJorodhani.

12 Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avaraira;

13 nokuti vanakomana vake vakando­muisa kunyika yeKenani, vakamuviga mubako romunda weMakapera, riya ra­katengwa naAbhurahamu, pamwechete nomunda kuna Efuroni muHeti, pakata­risana neMamure, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga.

14 Zvino Josefa akati aviga baba vake, akadzokera Ijipiti, iye navakoma vake, navose vakanga vakwira naye ku­ndoviga baba vake.

15 Zvino vakoma vaJosefa vakati vachiona kuti baba vavo vafa, vakati, "Zvimwe Josefa achative­nga, nokutitsiva kwazvo zvakaipa zvose zvatakamuitira."

16 Naizvozvo vakatuma shoko kuna Josefa, vachiti, "Baba venyu vakaraira, vasati vafa, vachiti,

17 `Taurai naJosefa,' muti, `Zvino dokanganwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; ne­zvivi zvavo, nokuti vakakuitirai zva­kaipa; zvino dokanganwirai kutadza kwa­varanda vaMwari wababa venyu.' " Josefa akachema pakutaura kwavo naye.

18 Vakuru vake vakaendawo, vaka­wira pasi pamberi pake, vakati, "Tarirai, tiri varanda venyu."

19 Josefa akati kwavari, "Musatya, nokuti ini ndiri pachigaro chaMwari here?

20 Kana murimwi, makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe.

21 Naizvozvo zvino musatya, ndichaku­chengetai, nepwere dzenyu." Akavanya­radza, akataura navo nomoyo waka­naka.

22 Josefa akagara Ijipiti, iye navei­mba yababa vake; Josefa akagara makore ane zana negumi.

23 Josefa akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu, navana vaMakiri, mwanakomana waManase, va­kaberekerwa pamabvi aJosefa.

24 Josefa akati kuhama dzake, "Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudi­sai panyika ino, muende kunyika yaaka­pikira Abhurahamu naIsaka, naJakobho."

25 Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, "Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemi mutakure mapfupa angu abve pano."

26 Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paIjipiti.