1 Mukuru kunaGayo, mudikanwa, wandinoda nezvokwadi.
2 Mudikanwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako uchibudirira.
3 Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichipupurira zvokwadi yako, dzichiti, unofamba muzvokwadi.
4 Handinomufaro unopfuvura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.
5 Mudikanwa, unobate-basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeni vo;
6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutovo wakafanira Mwari.
7 Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni.
8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pazvokwadi.
9 Ndakanyorera kereke; asi Diotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.
10 Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, vuye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
11 Mudikanwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndowaMwari; unoita zvakaipa, haana kuvona Mwari.
12 Demetrio unopupurirwa navanhu vose, vuye nezvokwadi imene; nesu tinopupura vo, iwe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwazvokwadi.
13 Ndakanga ndinezvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
14 asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuvona, tigotaurirana nomuromo. Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake,